Vechidiki 17 vaendeswa muchipatara nemutoriro

27 Jan, 2023 - 16:01 0 Views
Vechidiki 17 vaendeswa muchipatara nemutoriro Ingutsheni Central Hospital

Kwayedza

Thandeka Moyo-Ndlovu

VECHIDIKI vanosvika 17 vekuEntumbane, kuBulawayo, svondo radarika vakamhanyiswa kuchipatara cheIngutsheni Central Hospital mushure mekunge varwara apo vakatora mutoriro zvakadarikidza uyo unozivikanwa nekunzi crystal methamphetamine (meth) unova uri kushandiswa nevazhinji vavo kuti vadhakwe.

Nyika yeZimbabwe yakatarisana nedambudziko guru rekushandiswa kwezvinodhaka, vazhinji vacho vari vechidiki.

Mukuru wechipatara cheIngutsheni Central Hospital, Dr Nemache Mawere, vanotsinhira kuti vechidiki vanokwana 17 vari kurapwa vakachengetedzwa nekuda kwekudhakwa kwakanyanyisa.

“Handizive kuti tinokwanisa kukunda here hondo yekurwisana nekutorwa kwecrystal meth nekuda kwekuti dambudziko iri rakura zvakanyanya. Tine vechidiki 17 vakabva kuEntumbane avo vakadhakwa zvekudarikidza,” vanodaro.

“Tiri kushandisa nzira dzakawanda mukurwisa dambudziko iri asi nyaya iyi iri pachena kuti tiri kukundikana muhondo iyi nekuti zvose zvatiri kuita hazvisi kuva nezvibereko sezvo vechidiki ava vachidzokera mukutora mutoriro mushure mekumbobatsirwa,” vanodaro.

Dambudziko revechidiki vari kutora zvinodhaka riri kuramba richikura zuva nezuva izvo Dr Mawere vanoti zvakanyanya kuwedzera munguva yedenda reCovid-19 mugore ra2020 apo vanhu vaiva vagere kudzimba.

Vanhu vanokwana mazana maviri nemakumi mashanu vanobatsirwa pamwedzi kuchipatara cheIngutsheni Central Hospital, panguva iyo huwandu hwevechidiki vari kushandisa zvinodhaka huri kukwira muguta reBulawayo.

Ongororo yakaitwa nesangano reActive Youth Zimbabwe, iro rinobatsira vechidiki vane dambudziko rekutora zvinodhaka, inotaridza kuti vazhinji vanotora zvinodhaka vari pakati pemakore 13 kusvika 14 okuberekwa muguta reBulawayo.

Dambudziko iri rinonzi riri kukura nekuti hakuna nzvimbo dzinobatsira vechidiki vakadai muguta iri izvo zvinoita kuti vanenge vabatsirwa kuIngutsheni vatange kutora zvinodhaka izvi zvakare.

Izvi zviri kuuya panguva iyo nyika iri mushishi kurwisa dambudziko rekutorwa kwezvinodhaka nechinangwa chekuzadzikisa budiriro yechiono cheVision 2030.

Mutungamiri wenyika President Mnangagwa nguva pfupi yadarika vakaparura chirongwa chekurwisa kutorwa kwezvinodhaka cheNational Anti-Drug and Substance Abuse Campaign.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>