Vobatsira Zim kurwisa Covid

17 Jul, 2020 - 08:07 0 Views
Vobatsira Zim kurwisa Covid Dr Mangwiro

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

HURUMENDE svondo rapera yakabatsirwa nezvekushandisa mukurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 nemasangano anoti UNICEF, UNFPA, DFID, European Union (EU) Sida-Sweden, Irish Aid neGlobal Vaccine Alliance (Gavi).

Rubatsiro urwu rwakauya kuburikidza nechirongwa cheHealth Development Fund (HDF).

Midziyo yakapihwa kuHurumende inosanganisira 198 inobatsira varwere kufema (oxygen concentrators) ne968 mafiriji anoshanda nesimba rezuva (solar driven refrigerators) zvinovawo zvichabatsira mukufambiswa kwechirongwa chekubaiswa kwevana majekiseni edziviriro (immunisation).

Midziyo inobatsira varwere kufema zvakanaka ichashandiswa nebazi rezveutano nekurerwa kwevana mukurwisa chirwere cheCovid-19 pasi pechirongwa cheNational Covid-19 Response Plan.

“Rubatsiro rwemaoxygen concentrators rwunoreva kuti huwandu hwevarwere vachapihwa mibhedha muzvipatara kuchikamu cheHigh Dependency Unit (HDU) huchawedzera kubva pamibhedha yataive nayo 45 kuenda pa179. Saka tinenge tava pedyo nechikamu che80 percent chemibhedha inodiwa kuHDU munyika,” vanodaro Dr John Mangwiro avo vanova mutevedzeri wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana.

Vanoti midziyo inobatsira pakufema iyi yakakosha zvikuru kuvarwere vane Covid-19 pamwe nevana vanobarwa vachida ruyamuro rwekufefemutswa (resuscitation) zvinova zvichayamura mukuderedza ndufu dzevana muZimbabwe. Mumiriri wesangano reDFID muZimbabwe, Cate Turton anoti chirongwa cheHealth Development Fund chiri kutsigira zvikuru nyika ino kuti igadzirire kurwisa Covid-19 zvichifambirana neongororo dziri kuitwa muno nekune dzimwe nyika.

Vanoti mafiriji anoshandisa simba remagetsi ezuva achabatsira mukuchengetedzwa kwemishonga nemajekiseni evarwere uye zvichideredza nyaya dzekudhurirwa nemagetsi.

Mutevedzeri wemumiriri weUNICEF muZimbabwe, Amina Mohamed anoti, “Kunyangwe panguva iyo chirwere cheCovid-19 chakange chisati chaveko, kukundikana munyaya dzekufamba kwemadzimai kuti anobaisa vana majekiseni kwakanga kuriko zvichitevera nzvimbo dzavanogara zvikuru kumaruwa kunova kure nezvipatara. Nokudaro chirongwa ichi chichabatsira kuti vana vakawanda vabaiswe majekiseni zvisina dambudziko.”

Chirongwa cheHealth Development Fund chine vatsigiri vakawanda zvikuru uye chakavapo nechinangwa chekusimudzira utano munyaya dzakadai sekubara, kutsigira utano hwevana vachangobva kuzvarwa, hwevanhu vakuru nekuwaniswa kwekudya kunovaka utano.

Share This:

Sponsored Links