Vogariswa kumakuva nemutoriro

14 Jun, 2022 - 15:06 0 Views
Vogariswa kumakuva nemutoriro Gerald Banda (kubva kuruboshwe), Knowledge Size, Munyaradzi Mazano naInnocent Kushingisa avo vanoti vanetswa nedambudziko rekutora mutoriro nezvimwe zvinodhaka. - Mufananidzo naKingstone Mapupu.

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VARUME 4 vechidiki vemuguta reHarare vari kudemba kutora kwavari kuita zvinodhaka zvinosanganisira mutoriro izvo zvavanoti zvaita kuti upenyu hwavo huende mudondo sezvo vave kugara kumakuva ekuHighfield uko vanobata vanhu huruweki vachivabira zvinhu zvavo.

Vanoti vafunga kubuda pachena kuti ndizvo zvavanoita nechinangwa chekuti vabatsirwe sezvo vachiti vava kurarama semhuka.

Kwayedza inoita hurukuro nechikwata chevarume ava vanoti Gerald Banda (29), Knowledge Size (24), Munyaradzi Mazana (22) naInnocent Kushingisa (26) vanobva muHighfield nekuKuwadzana muHarare.

Vanoti vakadzidza kuputa mutoriro kubva kumasahwira avo uye havachakwanisa kuurega izvo zvava kukonzera vamwe vavo kupota vachimboita sevanorasika njere.

Kushingisa ari kubuda pachena kuti iye nevamwe vake vava kugara kumakuva ekuHighfield kusvika husiku vachiputa mutoriro nekubira vanhu vanodarika naikoko.

“Ndakatanga kuputa mutoriro ndafurirwa nemasahwira angu ndokuona kuti handichakwanisa kuurega. Mudzimai wangu akatiza nekuda kwemararamiro angu ekuputa mutoriro.

“Kugara kumakuva uku tinoita kuti pasawane vanotiona. Tinogara ikoko, ndiro ‘base’ redu uko tinozobuda tava kunobira vanhu vatinosangana navo pamwe chete nemudzimba,” anodaro Kushingisa.

Obvunzwa kuti havatye here kugara kumakuva nguva dzehusiku, anoti hapana zvavanotya achipa muenzaniso wekuti vanhu vanoputa mutoriro havana kusiyana nevane chirwere chepfungwa.

“Tabira vanhu vakawanda tichivatorera nhare nemari dzavo. Asi hatichada mararamiro aya, seni ndinoda kudzokera paupenyu hwangu hwakare,” anodaro Kushingisa.

Mashoko ake anotsinhirwa naBanda achiti akatanga kuputa mutoriro anyengerwa neshamwari dzake.

“Mutoriro unodhura, unotangira paUS$3 zvichikwira kusvika US$10. Ukautanga hauzokwanisa kuurega uyewo haurare sezvo uchipedza husiku hwose uchifamba usina hope. Ndokusaka tichizoguma tava kuba,” anodaro Banda.

Anoti mutoriro wakangofanana nesauti yemagodo uye unoputirwa muglobe remagetsi.

Varume ava vose vanoti vakatizwa nevakadzi nekuda kwehunhu hwavo.

Mazana anoti vakaonekwa nerimwe godobori remuHarare vari ku’base’ kwavo uko vakatorwa ndokutanga kupihwa mashoko ehungwaru ekuti vasiyane nekutora zvinodhaka.

“Tapedza kutengesa zvinhu zvakawanda kudzimba kwedu, kusanganisira mawodhiropu, mibhedha, makitchen units, matv, maredhiyo nembatya dzedu chaidzo tichisara tisina chekupfeka.

Tinotengesa chero chatawana kuti tikwanise kutenga mutoriro. Vabereki vedu kudzimba hakusisina chiriko,” anodaro Mazana.

Varume ava vanoyambira vamwe vechidiki vasati vapinda mukuputa mutoriro kuti vasiyane nazvo sezvo vachiti zvine matambudziko makukutu muupenyu.

“Dzimba dziri kuparara nekuda kwemutoriro, madzimai ari kutiza uye pahukama chaipo vanhu havachawirirana. Mutoriro unoita kuti munhu asadye zvinoita kuti usare wawonda kuita tsono chaiyo. Kazhinji, unongonzwa kuda kunwa mvura nemadrinks bedzi,” anodaro Size.

Varume ava vanokurudzirawo mapurisa kuti vasunge vose vanowanikwa vachitengesa mutoriro.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi vanoti semapurisa vari kufambira mberi nekusunga vanhu vose vanowanikwa vachiputa kana kutengesa mutoriro.

Asst Comm Paul Nyathi

“Chirongwa cheZimbabwe Republic Police (ZRP) chekusunga vanhu vanotora zvinodhaka zvinosanganisira crystal methamphetamine kana kuti mutoriro nezvimwe chiri kufambira mberi tichisunga vanoputa vacho nevanotengesa. Svondo rakapera takasunga vanhu vanokwana 38 muguta reHarare neChitungwiza vanotora zvinodhaka nevanotengesa vacho,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanoenderera mberi vachiti, “Kudare reHarare Magistrate Courts kune vechidiki vanodarika zana vakatotongwa nekuda kwekutora uye kutengesa zvinodhaka zvinosanganisira mutoriro.

Dambudziko ratave naro nderekuti vechidiki vanotora zvinodhaka izvi vamwe vacho vave kurasika njere nekurwisa vanhu panzvimbo dzavanogara uyewo nekuzviuraya pasina zvikonzero.

“Mbanje zvakare dziri kuwanikwa pamwe nemakeke anobikwa nembanje nezvimwe zvakawanda.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>