Vorwisa kutorwa kwezvinodhaka

25 Aug, 2022 - 16:08 0 Views
Vorwisa kutorwa kwezvinodhaka Detective Sergent Andiseni

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) Chitungwiza District ari kubatana nevatsigiri vanosanganisira Vana Vedu Trust, Doves neShamwari YeMwanasikana kurwisa nyaya dzekutorwa kwezvinodhaka, zvikuru nevechidiki.

Vachitaura pachirongwa ichi paMakoni Shopping Centre, kuChitungwiza nemusi weChitatu, Detective Sergeant Violet Andiseni vekuCriminal Investigation Department (CID) kuchikamu cheIntelligence Unit Drugs Desk vanoti nyaya dzekutorwa kwezvinodhaka dziri kuramba dzichiwanda munyika uye vari kutora matanho ekuti dziderere.

“Mamwe ematanho atiri kutora semapurisa ndiwaya ekuunganidza mapoka akadai sevemachechi, vabereki, vechidiki nevari mumabhizimusi akasiyana tichivafundisa maringe nekuipa kwekutora zvinodhaka. Kana vanhu vakatora zvinodhaka, vanopedzisira vava kurwara zvekusvika pakuoma mitezo yemuviri, kurasikirwa nemitezo yakadai seitsvo, zviropa uye kurasika njere chaiko.

“Hakuna zvikoro kana makambani anotora vanhu vanotora zvinodhaka nekuti vanotonetsa kushanda navo saka zvinoderedza budiriro yedu senyika,” vanodaro.

Detective Sergeant Andiseni vanoti muongororo yavanoita, vanoona kuti zvinodhaka sembanje zvinorimwa muno asi zvizhinji zvacho zvinobva kune dzimwe nyika.

“Tiri kuedza kuvhara maburi ose ari kuita kuti zvinodhaka zvigume zvava munyika muno. Tine matikitivha anoshanda kumiganhu yenyika vachiongorora mafambiro ari kuita zvinodhaka uye vapari vemhosva vari kubatwa vachisungwa nekupihwa zvirango zvakakura.

“Vabereki tavadaidza pachirongwa chino nekuti ndivo vanochema kuti vana vedu vanotora zvinodhaka asi vari ivo zvekare vatiri kubata vachitengesa zvinodhaka mudzimba. Kana vanhu vachinge vasiri kuwana zvinodhaka hapana pavanozvitora saka tiri kuedza kuderedza kupinzwa kwezvinodhaka muno kuti tizadzikise zvinangwa zvedu zvebudiriro zveVision 2030,” vanodaro.

Mambo Seke

Mambo Seke, VaStanley Chimanikire vanoti zvinorwadza kuona kuti kune vamwe vanhu vechikuru vari kutora zvinodhaka.

“Nyika haichina chimiro nezvatiri kuona munharaunda medu muno maSeke, kana mumabhazi chaimo munenge makangozara vanhu vakadhakwa.

“Vamwe vanongoswera vakarara mumigwagwa vakadhakwa nemusombodhiya saka tinobudirira sei kana ivo vane simba vari kupera kudhakwa? Vabereki havachina kana wekuraya nekuti vana vacho vanenge vakadhakwa.

“Vamwe ndivo vava kuti kana zviya vashaiwa mabasa ekuita votanga kutengesa masitendi neminda yevamwe zvisiri pamutemo,” vanodaro Mambo Seke.

Vanoti ivo semadzishe vanoda kuti vapihwe masimba ekusunga vose vari kuita mabasa ekutora zvinodhaka kuti dambudziko iri riderere.

Chipo Mahamba

Mai Chipo Mahamba vanova director wesangano rinorwira kodzero dzevana reVana Vedu Trust vanoti semubereki, vanorwadziwa nekuparara kuri kuita upenyu hwevechidiki nekuda kwezvinodhaka.

“Zvinhu zvinoipisa tsitsi kuti pwere dzinoswera dzakakorwa neguka, dombo, mbanje, mutoriro nezvimwe zvinobva kunze kwenyika. Vakawanda vatiri kutoona vave kutorwara nepfungwa saka uchava mutoro kwatiri vabereki kuti tivaendese kuzvipatara nekuvatsvagira vachengeti nekuti vanenge vangofanana nepwere. Dambudziko rekutora zvinodhaka ngaripere nekukasika nyika ive nebudiriro,” vanodaro.

Vamwe vechidiki, avo vaimbotora zvinodhaka, vakawanawo mukana wekupupura pamusoro pekuipa kwekatsika aka.

“Ini ndakatanga kutora zvinodhaka makore matatu adarika ndichiri pachikoro, ndakatopedza Form 4 yangu gore rapera.

Ndakazodzidza kuti hazvina chimuko nekuti ndaibira vabereki vangu mari ndichinotenga mbanje ndichigara ndichinetsana nevarairidzi ndikazogumisira ndava kurwara nechipfuva zvikaita kuti ndisiyane nazvo.

“Ndinoshuvira kuenderera mberi nedzidzo kuti ndizowanawo basa rakanaka,” anodaro Tinotenda Mutaiko (18).

Vamwe vaivepo

Lennox Murwira anoti aiputa mbanje achifunga kuti inomubatsira kuti akanganwe nhamo dzake dzeupenyu asi akazotoona kuti hazvina chimuko nekuti akapedzisira atove nezvikwereti zvembanje, nhamo yake ikatowedzera.

“Ini ndiri muimbi saka ndaitora zvinodhaka ndichingonzwa kunge ndiri kunakidzwa ndiri ndega ndichiseka kana kuchema.

Ndaingoona dhirama rangu ndega uye zvimwe zvandaiona zvaisaonekwa nevamwe vanhu vandinenge ndiinavo saka vaitoshamiswa kuti ndiri kuchemei kana kusekei?

“Asi kutaura chokwadi hazvishandi nekuti unorambwa nemabhebhi, hama dzinokusema uye hakuna anoda kushanyirwa neni nekuti vanofunga kuti ndinovabira kana kuvanyadzisa,” anodaro.

Tadiwa Makoni anoti aitora zvinodhaka zvose zvaanenge awana kusanganisira mapamba anoraswa kumabhini, mabulb, mbanje nemutoriro asi akazoregedza mushure mekupangwa mazano.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>