Voshaiswa rugare nembavha dzarura

15 Dec, 2023 - 08:12 0 Views
Voshaiswa rugare nembavha dzarura Mapurisa aine mumwe wemakororo emomba akasungwa nguva yadarika

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VAGARI vekuWard 15 kuMhondoro-Mubayira pedyo neNorton vanoti vava kugara vakabatira hana mumaoko nekuda kwematsotsi arura kupazira mudzimba nemuzvitoro vachiba uyewo nekuba mombe nezvimwe zvipfuyo.

VaJoel Nyagano (61), vanova muridzi wechitoro nebhawa reNyaga City paNyagori uyewo vari sachigaro wanamuzvinabhizimisi munzvimbo iyi, vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka nekuda kwemakororo munharaunda yavo.

Muzvinabhizimisi uyu akapazirwa takishopu yekuseri kwechitoro chake svondo rakapera nembavha nhanhatu idzo dzaiva dzakapakata zvombo.

“Ndichitaura ndakamirira vamwe vangu vemabhizimisi, ndinoti zvinhu hazvina kumira mushe muno muWard 15, kana kufamba husiku chaiko tava kutotya. Pachitoro pangu makororo aya akauya neMugovera svondo rakapera vakapaza dhoo vachida kupinda kuti vabe vakazotadza kupinda sezvo maiva nevanhu. Vakazoenda pachitoro chikuru vakabvisa screen, vakapwanya mahwindo epatakishopu uye pavakanzwa kuti maiva nemunhu, vakatiza apo vanhu vaive kubhawa nekuchitoro kwaChigogo vaiva vamuka,” vanodaro VaNyagano.

VaJoel Nyagano vachiratidza gonhi nemahwindo zvepachitoro chavo zvakapwanyiwa nembavha – Mifananidzo naTinashe Chitwanga

Vanoti mumasvondo matatu adarika akatevedzana, makororo ari kuba zvakanyanya munzvimbo yavo.

“Svondo rakapera paseri, makororo aya akanopindira vamwe vedu vanamuzvinabhizimisi vanosanganisa Cde Chikonzo naCde Rodger Nicholas Kamupungu vachida mari vakagumisira vatora motokari yaCde Chikonzo iyo yakazowanikwa yasiiwa pasango. Vanosiya varova vanhu mudzimba, saka tinokumbira kuti dai tawaniswa kamba duku yemapurisa pano paNyagori paNyaga City,” vanodaro.

Mahwindo epachitoro akapunzwa nematsotsi

Munzvimbo imwe chete iyi makororo anonzi akaba mombe mbiri mudanga remumwe murimi husiku hwemusi weChipiri svondo rino.

“Mombe dzapera kubiwa nezvimwewo zvipfuyo. Dambudziko iri rasvika nekumaruwa ekumadzishe edu anoti Chivero naNyamweda zvichienda nekumapurazi,” vanodaro VaNyagano.

Kelly Kayima (18), uyo anobatsirana nababa vake kuita bhizimisi retakishopu panzvimbo yeNyagori, anoti vava kugara vachitya zvichitevera kupazwa kwakaitwa takishopu yavo nembavha.

Kanzura Peter Chigogo vekuWard 15 kuMhondoro-Mubayira vanotiwo dambudziko rembavha dzarura ravashaisa mufaro.

Kanzura Peter Chigogo

“Ichokwadi kuWard 15 kwandinomirira makororo ashupa, vakasvika vachipaza panzvimbo yemabhizimisi edu paNyagori kaviri uye vakanorova vamwe vanamuzvinabhizimisi vaviri vemuno vachida mari. Vari kuba mombe pamadiro, dzimwe dzichiurairwa panzvimbo kana kuendwa nadzo dziri mhenyu. Sevatungamiri nevagari vemuno, tabatana kurwisa dambudziko iri tichishanda nemapurisa. Tinoda kamba duku pedyo ine chekufambisa kuitira kurwisa mabasa ehukororo aya,” vanodaro Kanzura Chigogo.

Inspector Ian Kohwera, avo vanova mutauriri wemapurisa kuMashonaland West, vanotsinhira kuti mbavha dzarura kudunhu iri.

Inspector Ian Kohwera

“Nyaya dzekubiwa kwemuzvitoro nekurohwa kwevanhu mudzimba dzakasvika kwatiri semapurisa dzamhan’arwa. Mapurisa ari kuita basa rawo uye tine mamwe makororo akatosungwa, vamwe vakatoenda kumajeri.

“Tinokurudzira veruzhinji kuti vamhan’arire vanhu vose vavasingazive vakavaona vachingomberereka munharaunda dzavo. Ino inguva yezororo reKirisimasi saka tinoyambira vanhu kuti vangwarire mune zvose zvavanoita, kana voshanya vosiya padzimba paine vanhu uyewo vofamba nemabhazi kana kukwira motokari dzevanhu vavanoziva,” vanodaro Insp Kohwera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>