Yekukecha vakadzi vevanhu yamuzvimbira . . . Omera makwati achimbumuka guruva

07 Feb, 2024 - 15:02 0 Views
Yekukecha vakadzi vevanhu yamuzvimbira . . . Omera makwati achimbumuka guruva Thomas Simani - Mifananidzo naKingstone Mapupu.

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wekwaSabhuku Dzambire, kwaSvosve, kuMarondera – uyo pari zvino ari kugara kuMt Hampden – amera makwati ayo anokwatuka achivhunura senyoka muviri wake wose uye anombumuka guruva kunge chamupupuri chenguva yechiromo.

Chakonzeresa izvi anochiziva – anoti inyaya dzekudanana nemadzimai evanhu anosvika mashanu.

Thomas Simani (37) ava nemakwati anonhuwa zvekunhuwa zviye.

“Ndinomera makwati akaita seehove anovava zvekuti handirare ndichikwenya. Ndadarika mwedzi ndakadai, pakukwenya muviri wangu unopfumbuka nekutibuka guruva rakaita sehupfu. Hapana pari kusara kumera makwati aya, mamwe acho akatoomarara kuita seekamba.

“Mvura inobuda mumaronda anodziuka mumakwati aya inonhuhwa zvekuti dzimwe nguva vanhu vanonditiza,” anodaro Simani.

Anoti akarambana nemudzimai wake akazodananawo nemadzimai evanhu anodarika mashanu ekunzvimbo dzinosanganisira Banket, Marondera nekupurazi rekwaTomu riri kuWestgate, muHarare.

Musana waThomas Simani

Simani anoti dambudziko iri rakazotanga ava kugara kuHarare uye anofamba kumaporofita nekun’anga achitaurirwa kuti akaiswa runyoka kana kuti rukawo.

“Mudzimai wangu akangoerekana andiramba nekuda kwekumera kwemakwati uku. Madzimai evanhu aya vanondivanzira toguma tava kudanana ndozozviziva ndava kutaurirwa neruzhinji ndichisiyana navo. Pakati pemadzimai evanhu aya handichaziva chaiye akandizora runyoka. Kwandinofamba ndinonzi runyoka rwandakaiswa nderwe kamba kana kuti rwerwaivhi, rwenyoka rwekuvhunura, pamwe vachiti nderwe hove. Handichaziva zvekuita, ndinoda kubatsirwa,” anodaro.

Murume uyu anoti kunyange akageza, achingopedza bedzi makwati aya anomera dzimwe nguva otanga kudonha oga achizara panzvimbo yaagere.

Musoro waSimani

“Vanhu vava kundisema zvekuti dzimwe nguva ndinosara ndigere ndoga vanhu vachitaramuka. Ndinonhuhwa, handigone kudya nevamwe vanhu, izvozvi handina pekugara nekuti kwandaishanda ndakaburitswa basa nekuda kwechirwere ichi.”

Simani anoti anoita basa rekutengesera vanhu zvinhu zvavo nekubatsira mabasa mumayadhi kuWestgate achiita maricho.

“Kuzvipatara ndaenda kasingaperi asi hakuna chirwere chiri kuwanikwa, ndinongotengeswa mapiritsi ekunyaradza kurwadziwa. Kuzhinji kwandinofamba kunobuda kuti rukawo saka ndinoda kubatsirwa,” anodaro Simani.

Murume uyu anoti aigara nemuzukuru wake kupurazi rekwaTomu uko akazobva ava kutiza nyaya dzekudanana nemadzimai evanhu dzazivikanwa.

Anoti vabereki vake vose vakashaika saka haana kwekuchemera, kunyangwe hama dzekwababa nekwaamai hapana anomuyamura.

“Handichaziva kwazvakatangira, vana vangu vaviri vakafa pavatatu vandakaita handizive kuti idambudziko iri here.”

Vanoda kubatsira Simani vanoridza nhare dzinoti 0772 727 328 kana 0778 856 580.

Bishop Heavington Matika Takaendesa Samuronda vemuHarare vanoti Simani anoda kubatsirwa nekukasika.

Bishop Matika

“Murume uyu akaiswa runyoka rwehove, rwerwaivhi kana rwekamba pachishandiswa mishonga yechivanhu, akanonoka kubatsirwa anogona kufa,” vanodaro.

Sekuru Guvheya

Mashoko avo anotsinhirwa naSekuru Guvheya, VaMathius Mudzingwa vekuChitungwiza vachiti: “Anofanirwa kubatsirwa nenguva nekuti runyoka kana kuti rukawo rwaakaiswa rwakasanganiswa negomarara remumvura yekunyanza ndokutorwa makwati ehove huru neenyoka hombe dzemumvura neekamba dzacho nevhunurwa renyoka zvichibva zvasanganiswa nemishonga. Pane basa apa, ndizvo zviri kumufunurisa nekumera makwati.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>