Yeukai vanotambura Kisimusi ino

20 Dec, 2019 - 00:12 0 Views

Kwayedza

BEMBERA PADARE

naWedzerai Nhemachena

KUNE vana vazhinji vatokurira mumigwagwa yemadhorobha nemaguta emuno muZimbabwe, zvikuru muHarare. Vana ava vanobva kwakasiyana, vamwe vakatizwa nevabereki vatadza kuvariritira, vamwe inherera.

Asi chikuru chatinoziva ndechekuti vana, pamwe nevakuru vave kugara mumigwagwa yemadhorobha. Havana chekudya, chekupfeka, uyezve havana pekugara pakanaka.

Vanomuka kubuda kwezuva vasingazive kuti vachadyei.

Vanongombeya vachitsvaga paraswa chekudya.

Kune vamwe vanhu zvakare vasingachakwanise kuzviriritira vakafanana nevakaremara, vakwegura nevanorwara.

Chiri chinyakare, vanhu ava vaisimbobatsirwa nehurumende, asi naiyowo hurumende yave kukurirwa nehuwandu hwaita vanoda rubatsiro. Zvino tatarisana neKisimusi yadai kuswedera, munhu wose anongoti, “ko ndichapemberera kuzvarwa kweMuponesi sei”.

Vabereki vazhinji vari mubishi kutsvagira vana vavo zvekupfeka nezvekudya paKisimusi.

Vazhinji hatitarise vamwe vasiri vehukama nesu. Tinotosva tarasa mbatya kana chokudya kumarara.

Dare rino rinoti ngatiwane mukana wekupawo chekupfeka kana chokudya kune vagari vemumigwagwa, vakaremara, vakura, vakarasa njere, vasungwa, nevamwewo vanotambudzika kudarika isu.

Ngativapeiwo tariro mhenyu nokuti hakuna kumwe kwavanogona kutendeukira.

Tinonzwa mumagwaro matsvene kuti iye watinodai kupemberera, akazvarirwa mudanga rezvipfuwo, asi akazove mununuri wedu.

Vazhinji tinofunga kuti vatungamiri vanobva kumba huru chete, asi dai taiwana mukana kunzwa kuti ivo vave vatungamiri mudzimhuri dzedu, mumakambani kana munyika vakabva nekupi, ndipo pataizobata chokwadi kuti munhu wose anoda kubatwa zvakanaka, agovawo netariro muupenyu hwake.

CHENJEDZO:

Ngatitore mukana weKisimusi yatakatarisana nayo tibatsirewo vanotarisira rubatsiro rwedu, angava ari pedyo nesu, anogara mumugwagwa, mumahombekombe erwizi Mukuvisi, ari muchipatara, kana ari mujeri.

Vakuru vanoti kupa huturika. Zvichida wawabatsira nhasi achava mutungamiri wako, kana kuzova mukuwasha kana muroora wako mangwana.

Chatinokurudzira kuve neruzivo rwekuti tirerutse kuomerwa neupenyu kunoita vamwe vanotambudzika.
Tisarase zviya zvatisingade nokuti chitsaru chemumwe, chitsva chemumwewo.

Chawagona nhasi, mangwana chinokutevera, nechawatadza nhasi chinokuteverazve mangwana.

Nokudaro tose ngativavarirei kuteverwa nechakanaka mangwana mushure mekunge taita chakanaka nhasi.

Dare rino rinoti kuruzhinji rwose rweZimbabwe, ngativeyi neKisimusi yakakomborerwa, isina humbimbindoga, asi inoratidza rudo nevamwe mudzimba dzedu, mumakambani edu, pamwe nemunyika yedu tichiremekedza upenyu hwevamwe vasina kupihwa zvakafanana nezvedu.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; ne BA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe.

Share This:

Sponsored Links