ZESA yovandudza mabasa ayo

21 Jul, 2022 - 13:07 0 Views
ZESA yovandudza mabasa ayo Vanoti zvakakosha kuti vanhu vabhadhare magetsi nenguva kuitira kuti vakwanise kuramba vachiwanisa magetsi aya kuruzhinji.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

KAMBANI yeZESA Holdings inoti iri kushanda nevatsigiri vayo mukuedza kuvandudza kuwaniswa kwemagetsi akakwana munyika.

Engineer Ralph Katsande vanova commercial director weZETDC vanoti kusangana kwavakaita neveruzhinji uye vatsigiri vavo kwakakosha zvikuru nekuti kwakavabatsira kuti vazive matambudziko ari munharaunda dzakatsaukana.

“SeZESA, takapinda munharaunda dzakasiyana munyika yose tichitaura nemakasitoma edu uye vatsigiri kuti tizive zviri kuitika kwavari nekuvadzidzisawo maringe nezvinhu zvitsva mubasa redu.

Magetsi ndiwo musimboti weupenyu anoita kuti tikwanise kuzadzikisa zvinangwa zveVision 2030.

“Magetsi anodiwa zvikuru munguva ino apo varimi vari mushishi kurima gorosi remuChando uye mukudziisa mvura saka ndiyo zvekare nguva yaari kunyanya kuenda nekuda kwekuti tiri kuzama kuzadzikisa zvirongwa zvemadiridziro,” vanodaro.

Eng Katsande vanoti huwandu hwemagetsi ari kudiwa hwakawedzera kuenda pa1 850 megawatts muchando muno kana zvichienzaniswa neanodiwa mumwaka wekupisa anova 1 650 megawatts.

Vanoti vari kutora matanho akasiyana muku[1]gadzirisa dambudziko rekuenda kwemagetsi.

“Tine nzira dzakawanda dzatiri kuita kuti tivandudze huwandu hwemagetsi atinogadzira muno. Tiri kutarisira kutenga mamwe magetsi kubva kuMozambique nekuZambia uye mukupera kwegore rino, tichaparura maUnit ekutanga kuHwange zvichatipa humwe huwandu hwe300 megawatts izvo zvichabatsira mukuderedza kuenda kwemagetsi,” vanodaro Eng Katsande.

Vanoti zvakakosha kuti vanhu vabhadhare magetsi nenguva kuitira kuti vakwanise kuramba vachiwanisa magetsi aya kuruzhinji.

ZESA Holdings yanga ichirasikirwa neUS$9 miriyoni pagore nekuda kwematsotsi anoparadza midziyo yayo kuburikidza nehumbavha uye pari zvino kambani iyi yave kubatsirwa zvikuru neruzivo rutsva rwekushandiswa kwemakamera emudenga (drones) mukuedza kuderedza kuparwa kwemhosva dzerudzi urwu.

Zvichakadai, kambani iyi iri kuita ongororo yenharaunda dzakasiyana (Environmental Impact Assessment) nechinangwa chekuona zvimhingapinyi zviri kukanganisa budiriro yavo.

Pamusoro pezvo, ZESA iri kutsvaga nzira dzekugadzirisa zvimhingamipinyi izvi kuitira kuderedza njodzi dzakatarisana neveruzhinji munharaunda pamwe nekuvafundisa nzira dzakanaka dzekushandisa magetsi pasina kurasikirwa nawo zvisina tsarukano.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>