Zim@43: Vechidiki, vemachechi vari kufara

17 Apr, 2023 - 18:04 0 Views
Zim@43: Vechidiki, vemachechi vari kufara ZIM@43

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VECHIDIKI nevemachechi vanoti rusununguko ruzere rweZimbabwe, urwo rwakawanikwa musi wa18 Kubvumbi 1980, rwakaunza shanduko munyika iyo yave kuita kuti vawane mukana wekuita mabhindauko nemabhizimisi anosimudzira raramo yavo pamwe nekunamata vakasununguka.

VaGibson Maponda (22) vanogara mumusha weBudiriro, muguta reHarare – kumusha vachibva kwaNyashanu, kuBuhera – avo vanoita basa rekutengesa simende nekutakura zvinhu zvevanhu nerori ravo, vanorumbidza zvikuru kusununguka kwenyika ino.

“Isu takazoberekwa nyika yasununguka tikapihwa nhoroondo yekuti kune vakatifira uyewo nezvaiitika panguva yehudzvanyiriri. Zvekutengesa simende zvandiri kuita nekambani yangu izvi zvinonzi zvaiitwa nemakambani makuru evachena chete. Asi nekuda kwerusununguko, takakwanisa kuvamba edu makambani sevechidiki,” vanodaro VaMaponda.

Vanoti kunyevenutswa kwemitemo yekuvamba makambani neHurumende yevatema ndiko kwakaita kuti vakwanise kupinda mune zvemabhizimisi.

VaGibson Maponda

“Tinonzwa kuti kare nyika ichitongwa nevachena, munhu mutema aingozivikanwa nekushandiswa mumakambani nemapurazi evachena kwete zvatava kuita izvi. Saka ndinokurudzira vamwe vangu vechidiki kuremekedza zuva rekuzvitonga kuzere nevakaita kuti riveko,” vanodaro VaMaponda.

Mashoko avo anotsinhirwa naVaTapera Gomo (29) vanobvawo kuBudiriro avo vanoita basa rekugadzira matayi, vachiti kuzvitonga kuzere kwakakosha munyika sezvo kwakaunza shanduko.

“Isu vechidiki tinotenda vakuru vedu vakaunza rusununguko munyika, chionai tava kuzvishandira. Ini ndinogadzira matayi nekuanama. Ibasa ratinonzwa kuti raiitwa nemakambani evachena chete, munhu mutema akawanikwa achimira mumugwagwa sezvandakaita izvi aisungwa oiswa mutorongo,” vanodaro VaGomo.

VaTapera Gomo

Madzibaba Mateo, VaAlfreddy Mupfumbati (43), vemuHarare asi kumusha vachibva kuKaranda, kuMt Darwin, vanoti rusununguko chinhu chakakosha zvikuru munyika ino.

“Isu sevemakereke, tinogara tichinamatira rusununguko rwenyika nguva dzose nekurumbidza vakaunza kuzvitonga kuzere nekunamatirawo vatungamiri vedu. Seni, ndinonyanya kurumbidza hurongwa hwakaunzwa nevakuru vedu hwekuti mhemberero idzi dzichiitwa kunzvimbo dzakasiyana kunze kweHarare (neBulawayo) kutanga gore rino apo dziri kuitirwa kuMt Darwin zvichitenderera kunzvimbo dzakasiyana mumakore anotevera,” vanodaro Madzibaba Mateo.

Madzibaba Mateo

Vanoti mhemberero dzegore rino dzakakosha zvikuru kuchitariswa nhoroondo yehondo yekusunungura Zimbabwe yakarwiwa kudunhu reMt Darwin nedzimwe nzvimbo dziri kumativi ose enyika.

Vanotizve nyika isati yawana kuzvitonga kuzere, kwaiva nemachechi mashoma aitungamirirwa nevatema.

“Nekuda kwerusununguko, vanhu vatema vazhinji vakakwanisa kuvambawo avo machechi sezvandakaita ini. Tinonamata pamadiro, kare taingoziva kuti machechi ose akavambwa kubva kunyika dzemhiri,” vanodaro Madzibaba Mateo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>