ZINWA yabatsirwa nezvekushandisa

26 May, 2022 - 13:05 0 Views
ZINWA yabatsirwa nezvekushandisa Dr Masuka vachiparura midziyo yakapihwa kuZINWA

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

NYIKA yeIndia yakapa rubatsiro rwemichina misere yekuchera zvibhorani, matirakita 20 uye muchina unokukura mavhu kana zvinorema (excavators) kubazi reZINWA.

Midziyo iyi vakaitambidzwa kumahofisi avo ari muHarare negurukota rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwemaruwa, Dr Anxious Jongwe Masuka.

“Vanhu 11 miriyoni vemuZimbabwe vachava nemikana yekuwana mvura yakachena kumaruwa nekuda kwemichina iyi. Vanasikana nemadzimai vachange vava nechiremerera uye havazenge vachifamba nzendo refu kunochera mvura.

“Ndinotenda zvikuru bazi rinoona nezvemari nekusimudzirwa kweupfumi nerutsigiro rwavakapa nenguva, saka ndinovakurudzira kuti vaburitse imwe mari yemimwe michina 40 yekuchera zvibhorani.

“Sezvamunoziva, michina 50 (rigs) yekuchera zvibhorani iri muchirongwa chino, 10 marigs achaendeswa kubazi reDistrict Development Fund kuti inochera zvibhorani 9 600 muzvikoro zvose zviri munyika,” vanodaro.

Vanoti vanofara zvikuru kuti bazi reZINWA rakatevedza zvinodiwa nemutungamiri wenyika President Mnangagwa zvekusimudzira vagari vekumaruwa pasi pechirongwa chePresidential Rural Development Programme kusanganisira nyaya dzezvivakwa nekusimudzirwa kwemadiridziro.

“Tichishanda pamwe neARDA, tiri kuona mabasa ebudiriro ega-ega. Matirakita 20 atatambidza kubazi reZINWA achaita kuti basa rireruke zvichibatsira mukusimudzira zvirongwa zvemutungamiriri wenyika zvekusimudzira vagari vekumaruwa zvePresidential Rural Development Programme uye zvinangwa zvinoendeka zveVision 2030,” vanodaro.

Vanoti gore rapera mutungamiriri wenyika President Mnanganwa vakaparura chirongwa chePresidential Rural Development kudunhu reMatabeleland South.

“Michina misere (rigs) yatiri kupa kuZINWA ichachera zvibhorani 50 yakatengwa neHurumende nechinangwa chekusimudzira vagari vekumaruwa. Chinangwa chedu chikuru ndechekuchera zvibhorani 35 000 kumaruwa anosvika 35 mumatunhu ose.

Zvobhorani izvi zvichawanisa veruzhinji mvura kuti vakwanise kuzviitira mabhindauko akadai semabhindu emiriwo, kuchengeta hove, kurima michero, vanhu vachiwana mvura yekuisa mumadhibha uye yekunwa nekushandisa mudzimba,” vanodaro Dr Masuka.

Vanowedzera vachiti zvirongwa zveruzdi urwu zvakaitwa kuMakorokoro Village, Mangwe District, kuMatebeleland South Province uko vanhu vari kuwana mari kuburikidza nemabhindauko ekurima muriwo pamwe nekusimudzira utano hwavo.

“Tingati mhuri imwe neimwe pamhuri 153 vari kuwaniswa US$45 pamwedzi iri kubhadharwa nebazi reNational Employment  Council pabasa ravo ravari kuita. Mhuri zhinji idzi dzaipona nekurima chikafu chekudya pamusha asi iko zvino vanenge vava kurima zvakawanda kwegore rose vachitengesa zvinova zvinoderedza nzara, urombo uye kuparwa kwemhosva munyika,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>