Zivai New Curriculum: Shumba

03 Mar, 2017 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Daphne Machiri —
ZVAKAKOSHA kuti vadzidzisi vave neruzivo rwakadzama pamusoro pegwaro idzva rekusimudzira pamwe nekuvandudza fundo munyika, reNew Cirriculum.

Mashoko aya akataurwa svondo rapera nemukuru wezvedzidzo kudunhu reManicaland, VaEdward Shumba, pamusangano wavakaita nevanoona nezvedzidzo mudunhu ravo pamusoro pegwaro idzva iri.

“Zvakakosha kuti vadzidzisi vave neruzivo rwakakwana maererano neNew Curriculum nekuti ndiri gwaro ratiri kutevedza mukuvandudza fundo yenyika,” vanodaro VaShumba.

Pamusangano uyu, vaivepo vakadzidziswa pamusoro pezvinotarisirwa muNew Cirriculum izvo zvinosanganisira zvidzidzo zvakaita seMathematics, Heritage Studies, Mass Displays, Science, Guidance and Counselling, kushandisa dandemutande nezvemabasa emawoko.

“Imwe nyaya iripo ndeyekuvandudza ECD A kusvika ECD B. Vana vanofanirwa kudzidziswa nenzira dzavanonzwisisa. Mwana anofanirwa kuonekwa kuti abva pane chimwe chidanho achienda pane chimwe, naizvozvo New Curiculum ichabata magwaro ese aya zvine mutsindo,” vanodaro VaShumba.

Mashoko avo anotsinhirwa nemutevedzeri wavo, Mai Clara Kanoerera, vachiti New Cirriculum iri kuzadzikisa zvakabuda kubva muongororo yakaitwa makore adarika muchikamu chedzidzo, yeNziramasanga Commission of Inquiry.

“New Curriculum iripo pakuzadzikisa zviri mugwaro reNziramasanga Commission saka nekudaro kuvandudza dzidzo munyika hatiregi,” vanodaro.

Muhurukuro nemukuru anoona nezvechirongwa chePerformance Lag Address Programme (PLAP) kudunhu reManicaland, VaTaurai Sango, vanoti dunhu ravo rinoda kuramba riri pamusoro panyaya yekubudirira mudzidzo.

“Isu seManicaland, hatidzori tsvimbo mukutsvunha chikoro. Tiri kuda kuramba tiri pachidanho chepamusoro. Mwana wechikoro anofanirwa kuonekwa pfungwa dzake kuti dzakura, ava neruzivo zvichienderana negwaro raanenge ari. Sekuti mwana achibva gwaro reGrade 1 achienda Grade 2, panofanirwa kunge paine musiyano,” vanodaro VaSango.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey