Zvaiitwa mapatya

11 May, 2018 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza
NHOROONDO YEMUNYORI:
Nhoroondo yemunyori inokosha zvikuru pakunzwisisa chinyorwa chake. Izvi zvinodaro nokuti munyori anogona kuratidza zivo yake maererano nenzvimbo yaakambogara, zvakamboitika kwaari, zvaakanzwa munhoroondo yedzinza rake, makuriro ake, zvinhu zvaakasangana nazvo murwendo rweupenyu, nezvimwewo. Zvese izvi zvinobatsiridza munyori paanonyora bhuku kuti abude nenyaya inonakidza, kusuwisa, kuchemedza, kusekesa kana kudzora ndangariro.

Nokudaro tichaedza kutarisisa nhoroondo yemunyori webhuku ratakanangana naro rinonzi Manyambiri.

Bhuku ratave kuongorora iko zvino rakanyorwa naMacylin Mubuya akaberekwa musi wa12 Kukadzi 1987 muKadoma. Akadzidza primary yake kuBrompton Primary School, muKadoma makare, ndokuzopedzisa paChiveso Primary School, kuBindura.

Macylin akaita secondary yake kusvika A-Level paChipindura High School, muBindura, ndokuzoenda kwazvakarehwa kuUniversity of Zimbabwe uko akatora BA (Hons) Shona muna 2008. Pari zvino ari kudzidzisa Shona nechiRungu paLangham Girls’ High, kuMashonaland Central.

Anofarira kunyora nyaya dzeShona nechiRungu uye rino ibhuku rake rekutanga kutsikisa. Macylin akaroorwa uye ane vana vaviri.

Pfupiso:

Rungano rwuno rwakaitika panguva yepasichigare apo vanhu vakanga vachiri kurarama kusati kwave nezvakawanda sezvaveko muzuva ranhasi. Rungano urwu rwunotsetsenura tsika nemagariro aiita vanhu pasichigare.

Munyori anotipinza munyika yaShe Njeremavhu umo matinoona murume ainzi Rufuse nemudzimai wake vanonzi vakanetseka zvikuru kwemakore mazhinji vasati vawana mbereko vave nechipo chevana vaviri vanove mapatya echisikana. Vana ava vakatumidzwa mazita ekuti Paidamoyo naPaidokwairiramoyo.

Zvino panoita makakatanwa makuru munyika iyi sezvo mutemo wemadzibaba edu muchinyakare waisatendera kuti manyambiri achengetwe. Mumwe chete wemapatya aya aifanira kuuraiwa kunyanya uyo anogumisira kubuda pakuzvarwa kwavo.

Mambo Njeremavhu pavanoona runako rwevana ava rwakatyamadza kunyangwe zvazvo vaive vacheche, vanovimbiswa naRufuse aive baba vemapatya kuti aizovapa mumwe chete wevana vake kuti aite bango ravo.

Izvi hazvina kutora nguva refu kuti Mambo Njeremavhu vatende mazviri ndokubvuma zano raRufuse.

Mushure mekunge midzimu yemunyika yaShe Njeremavhu yabvunzirwa maererano nechiitiko ichi, inoramba kuti matakanaka akadai aitwe ndokutendera nevanji wamambo kuti azove iye achashara mumwe wemapatya aya kana achinge amafarira mukukura kwake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>