Zvakanakira kana kuipira barika

05 Oct, 2023 - 19:10 0 Views
Zvakanakira kana kuipira barika Noleen Chido Tavhiringwa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

KUBVA pasichigare, kune vanhurume vaiita barika kana kuti guru apo vairoora vakadzi vaviri kana kudarika. Tsika iyi ichiri kutevedzwa nevamwe mazuva ano zvisinei nekuti pasi rapinduka, uye vamwe vakadzi vave kunzi “small-house”.

Pane zvikonzero zvine chitsama zvaiita kuti munhurume asarudze kuita barika izvo zvimwe zvacho zvichiriko kunyangwe mukore uno.

Pachivanhu, kune chirevo chinoti bhuru rinorwa rinoonekwa nemavanga. Naizvozvo pamagariro evatema kare – kana nhanhasi – kune vamwe vanofunga kuti kana munhurume aine vakadzi kana vana vakawanda anowana chiremerera munharaunda yaanogara uye mhuri yakakura inoitawo kuti mabasa epamusha, zvikuru ekurima, areruke.

Zvimwe zvikonzero zvinopihwa kuti ndizvo zvinoita kuti munhu aite barika zvinosanganisira kuti mukadzi anenge asingabare kana kuti aguma ura asi murume achiri kuda vamwe vana izvo zvinoita kuti atsvage mumwe mudzimai.

Asiwoka, havasi varume bedzi vanoparika madzimai nekuti kune vakadzi vanoitawo barika revarume – vaviri kana vatatu.

Kwayedza inoita hurukuro nevanhu vemazera akasiyana pamusoro pebarika ndokunzwa zvinokunda ngoma kurira.

“Ini hangu handioni chikonzero chekuti murume wangu anditsvagire mumwe mukadzi kuti ndive pachipari nekuti kana ndiri kumufadza nekuita mabasa epamba nezvimwe zvose zvinodiwa muwanano, chikonzero chacho chinenge chiri chei? Mamwe mabarika atiri kuona mazuva ano ndeevarume vane meso-meso bedzi, vasingagutsikani nekuita mudzimai mumwe chete,” anodaro Noleen Chido Tavhiringwa (35).

Anoti vamwe varume vanozvitsvagira rufu nekuda kuwanza vakadzi vavasingazogoni kuchengeta.

“Ini kana murume akanditsvagira mumwe mudzimai anenge ava kuda kuenda kwamupfiganebwe nekukasika nekuti ndichaita shungu dzekuti andishorei sezvo ndichizova chiseko chenyika, kundiparika zvakangofanana nekuti afe zvake. Zvekare kana ivo varume vachizviita mabhuru ane simba rekutora madzimai akawanda, ko akavaudza kuti isu madzimai hatizvikwanise zvavanoita ndiyani? Ndinogona kuendawo kumabhawa ndonotsvaga varume,” anodaro.

VaMethias Manyati

VaMethias Manyati (53) vekuChitungwiza vanoti kana munhu achinge aita mwoyo wekuda nyama anofanira kuona kuti ane mazino akarodzwa seeshumba kuti azokwanisa kukunda kubvira pakuitsenga nekuzoimedza pasina kudzipwa.

“Izvi ndinoreva kuti barika hachisi chinhu chiri nyore, kunyanya kana mukadzi mukuru achinge apokana naro. Mumba imomo munogara muine kurwisana uye kubatwa-batwa kwemishonga kunowanda zvinoita kuti murume upedzisire adyiswa kusara wava fuza chairo. Ichi ndicho chikonzero vamwe varume vava kungodanana nemvana dzakarambwa vasingadzipinze muchivanze asi mumwoyo mavo rinenge richitori barika.

“Chinotyisa kwavari kududzira amai vemumba nezvaro nekuti unoswera watungidzwa nemoto weparafini kana kudirwa mafuta anopisa vachiti ini wandishorei,” vanodaro.

VaIsaah Mucherera

VaIsaah Mucherera vanoti mamwe madzimai anokundikana kuramba achiitira varume vavo rudo urwo rwavaivapa kubvira kumavambo zvinoita kuti vasvibe mwoyo vopedzisira vava kusarudza kutsvaga vamwe vakadzi.

“Barika rakanaka zvikuru kana madzimai achigarisana murunyararo, asi rinonyangadza kunge nyenze kana mumba mukazogara muine zhowe-zhowe. Kare, barika raitoitwa pachena chinangwa chiri chekukudza dzinza, mumba kana musina kuzvarwa mwana mukomana, kuti minda irimwe ichipera, kana mudzimai achinge arwara zvekuenda panhowo kwenguva refu nekushaikwa kwembereko, pakati pezvimwe.

“Saka murume aigona kuita vakadzi gumi kana kudarika. Zvisinei, nekusanduka kweupenyu apo vanhu vava kugara mumaguta mudzimba dzekurenda, zvava kunetsa kuti barika riendeke zvakanaka nekuti pekugara pakamanikana. Saka ndinoti barika rinoendeka kumamisha kunyanya nekuti kune nzvimbo yekugara yakakura,” vanodaro.

VaMucherera vanoti nekuda kwekunyuka kwezvirwere zvepabonde zvakadai seHIV uye kuoma kweupfumi hwenyika, barika rinogona kuzova moto unopisa apo murume anokundikana kuriritira mhuri sezvo vakadzi vake vanoita makwikwi ekubara.

“Pabarika pakaita munhu mumwe chete ane HIV zvinoreva kuti musha wese uchatapurirwa nekuti barika rakangofanana nerudo rwedande-mutande,” vanodaro.

Mbuya Martha Reid

Nyanzvi munyaya dzechivanhu, Mbuya Martha Reid, vanoti barika raiitwa zvakanaka makare kusiyana nemakore ano.

“Pasichigare kana murume afunga kuita barika, aisaita zvekubirira sezviri kuitwa mazuva ano nekuti barika handi kuva ne’small house’. Barika rinosumwa kumudzimai mukuru kuti baba vava nehurongwa hwakadai. Angada hake kuramba asi anotoripwa nemombe inotsika kana mari inoenderana nemombe kuti agamuchire mudzimai achauya.

“Vamwe vakadzi ndivo vanogona kusarudza kutora hama semwana wehazvadzi kana munun’ina wake kuti agare naye pachipari pane kuvigirwa mutorwa. Izvi vazhinji vanozviitira kuti vana varambe vachichengetwa nemunhu wehukama uye vasazotsvinyirwa kunyangwe mumwe wevakadzi ava akazofa uye pfuma yeroora inoenda kudanga rimwe chete,” vanodaro.

Mbuya Reid vanoti barika rakanaka kana murume achida vakadzi vake vose zvakafanana.

“Kana pakaita waunovenga newaunodisa pakati pavo, zvinokonzera kusagarisana zvakanaka mumhuri yako uye zvinoputsa musha. Kazhinji pabarika tinoona varume vachitanga kufarira mudzimai mudiki vachivenga vakuru vakatanga kuuya zvinokonzera shanje pomuka nyaya dzekuroyana nekurwisana.

“Dzimwe nguva vana vemadzimai akasiyana vanoitawo shanje dzavanaamai vavo. Hazvisi nyore kuita barika, zvikuru kana usina pfuma yakawanda uye usingazogoni kugara uchiyananisa madzimai nemhuri dzavo,” vanodaro.

Mbuya Reid vanoti madzimai mazhinji, kunyangwe vakwegura chaivo, havatodi kuitirwa chipari nekuti vanoziva hondo yacho.

Izvi, vanodaro, zvinopedzisira zvave kutuma vamwe varume kuti vaiite barika remuchivande.

“Asika, mubvunzo ndewekuti varume vari kubirirwa ndevani, ndevenyuka imi madzimai anoramba barika repajekerere. Vamwe vanotyirawo pfuma yavo yavanenge vakashanda kuti inopedzisira yava kutorwa nevana vemubarika zvichiita kuti vatyire kure, asi isarudzo yemunhurume kuita barika,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links