Zvakanakira kudya chimodho

18 Aug, 2023 - 14:08 0 Views
Zvakanakira kudya chimodho Chimodho

Kwayedza

naMuchaneta Chimuka

CHINGWA chemhando yechimodho kudya kune utano sezvo tichiwana macarbohydrates ayo anopa muviri simba.

Chimodho chakanyanya kukosha kuvanhu vanobata mabasa akaomarara anoda simba rakawanda uye chiri nyore kubika.

Tendai Chikovo wekuZaka, kudunhu reMasvingo, anotsanangudza mamwe mabhekerwo echingwa ichi.

Zvinodiwa:

Furawa yegorosi, mbiriso, shuga, munyu, majarini, mazai, mvura, mugoti, pani nehupfu.

Mabhekero:

Tora makomichi maviri efurawa wosanganisa nechidimbu chekomichi yehupfu.

Isa munyu neshuga zvakaringana netwumbiriso.

Pwanya mazai maviri wosanganisa.

Isa mvura yakaringana woramba uchikanya nemugoti kusvika furawa yakora zviri pakati nepakati.

Zorera majarini mukati mepani wodira zvawakanya zviye.

Isa muhovheni inopisa asi kana usina unogona kushandisa mavhunze kana marasha.

Pota uchipindura chingwa chako uchiona kuti chaibva zvose nepakati pacho.

Kana chaibva, chinoonekwa nekutsvukira.

Kana zvadai, chibura chimodho chako udye nemhuri.

Chimodho kudya namambo nekuti chinogutsa kana tichienzanisa nechingwa chemuchitoro.

Vamwe vanochiisa dovi kana kuchidya chakadaro.

Chinonyanyonaka kana ukachidzikisira nesvutugadzike kana zvimwe zvinwiwa zvaunoda nekuti chega chinodzipa.

Asi kana pari pakugutsa, chimodho chakanaka zvikuru. Ndokusaka vamwe vachichidaidza kuti chipondamoyo.

Vamwewo vanochiti chimupotohayi kana kuti chimwondimwii – kureva kuti ukachikanda mukanwa, wotomboti mwii kunyarara kudzimara wamedza.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti: +263 773 394 753 kana 0713 411 281

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey