Zvidzidzo munyaya

07 Jul, 2017 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza —
17. DONONGODZA zvidzidzo zvishanu zvekupanga mazano zviri muna Dare Retariro. [25]

Muna Dare Retariro ndakadzidza kuti kufurirwa kwakaipa. Izvi zvinojekeswa naTandiwe akanga abvuma kufurirwa neshamwari yake, Mavis kuti adanane naZvidzai vari kuchikoro kuMutema High. Izvi zvakazoguma zvaita kuti asiire chikoro panzira mushure mekunge apiwa pamuviri naZvidzai uye kuzadzwa utachiona hweHIV.

Chidzidzo chandakawana kubva mubhuku iri ndechekuti nhumbu yekutanga haizvarirwe pamba. Izvi ndakazviwana kuna Sabhuku Sango vanoudza dare rakanga rakaungana pamba paVaTigere paitongwa nyaya yaTandi akanga atizira Zvidzai vachiti madzimai mazhinji ari kufa nekuzvarira nhumbu dzekutanga pamba vachitadza kuenda kuzvipatara.

Munyaya iyi ndakadzidza kuti rudo vaviri. Izvi zvinozadziswa naVaMandionei vakanga vapindira murudo rwaiva pakati paTandi naZvidzai mwanakomana wavo.

Vaireverera Zvidzai kuti akanga asina kupa Tandi pamuviri uye aisamuda asi zvakaita kuti vazoshaya pekunyarira vamunzwa achiti aida kutoroora Tandi wavaivenga vachiti haasi muroora wavo.

Dzidzo yandakawana mubhuku iri ndeyekuti zino irema rinosekerera newarisingadi.

Dzidzo iyi inoonekwa pana VaMandionei vainyepedzera kunyemwerera nekumhanyira kunotambira Baba Madzore zuva ravatanga kusvika pamba pavo asi kuri kuvigiridza kushatirwa nekushanyirwa navo.

Nyaya iyi yakandidzidzisa kuti mhembwe rudzi inozvara mwana ane ruzhumwi. Izvi zvinoonekwa kuna Zvidzai anonzi akanga atodza zviito zvababa vake, VaTigere vaida madzimai zvakapfurikidza zvakazoitawo kuti abatwe nechirwere cheshuramatongo achiri mudiki kwazvo.

18. Tsanangura zvinhu zvausingafarire zvinoitwa naVaMandionei kubva muna Dare Retariro. [25]

Handifarire kutuka kunoita VaMandionei kubva munyaya iri muna Dare Retariro.

Tinozviona pavanotuka Tandiwe zuva raasandudzirwa naZvidzai achidonhera pasi negotsi vachiti ipfambi yaida kunenera mwanakomana wavo, Zvidzai mhosva yenhumbu isiri yake.

Muna Dare Retariro ndinovenga kurova kunoitwa naVaMandionei. Izvi zvinobuda pavanorova Tandi muroora wavo mbama mushure mekunge auya naBaba Madzore mufundisi wekuchechi kwavo pamusha kuti vazovagadzirisa kuti vagare vese zvakanaka. Zvinove zvinhu zvakanga zvavashatirisa chose.

Chimwe chandisingafarire mubhuku Dare Retariro kusema murwere kunoitwa naVaMandionei. Izvi zvinoonekwa pavanopa Tandi midziyo ine rupau yekuti atange kuzvibikira oga nekuti akanga aonekwa navanamukoti kukiriniki kuti airarama neutachiona hweHIV hwavaiti maperembudzi avaitya kuzadzwa kana vakaramba vachishandisa midziyo mimwe chete naye.

Chandinovenga chinoitwa naVaMandionei muna Dare Retariro kunyepa. Izvi zvinojekeswa pavanoenda muberevere mehozi yairara Tandi muna Moses naMuchaneta vachitaura naTandi.

Vanotanga kuridza mhere vachiti Zvidzai anenge atofa nekuda kwaTandi asi vachiziva zvavo kuti aive kuDangamvura kwaaiita zvechihwindi kumakombi sekuvaoneka kwaakanga aita ave kuendako.

Mubhuku Dare Retariro handifarire zvinoitwa naVaMandionei zvekukandira Mufundisi Madzore mabhachi ekuchechi kwavo. Tinozviona zuva rinoenda Baba Madzore kumba kwaVaMandionei vachida kunovarayira kuti vagare naTandi zvakanaka.

Vanogumbuka zvikuru nazvo ndokutora mabhachi avo ekuchechi vachiakandira Baba Madzore vachiti ngavaatakure vaende nawo nekuti havaida kutsiurwa nezvenyaya yaTandi zvachose.

Ndinovenga kureverera vana kunoitwa naVaMandionei kubva munyaya iyi. Izvi zvinoonekwa panoitwa dare pamba pavo zuva ratevera manheru atizirwa Zvidzai naTandi.

Vanotsigira mwanakomana wavo, Zvidzai vachiti akanga achinyeperwa naTandi kuti akamupa nhumbu.

Vanotanga kutuka Tandi vachimuti ipfambi yainenera Zvidzai mhosva yenhumbu isiri yake.

Chimwe chandinovenga chinoitwa naVaMandionei muna Dare Retariro kuvavarira kuda kubvisa pamuviri paTandi.

Izvi zvinobuda zuva ravanomupopotera nezvekufamba kwaakanga achiita munzvimbo dzakasiyana-siyana achidzidzisa vanhu nezvechirwere cheshuramatongo.

Vanozopedzisira vave kumubayabaya mudumbu nemutsvairo asi vachiona kuti aive nepamuviri. Apa vaida kuti azvare mwana akafa obva angodzokera kumusha kwavo.

Share This:

Sponsored Links