Zvigure zvarikita vana pachikoro

14 Oct, 2022 - 15:10 0 Views
Zvigure zvarikita vana pachikoro Zvigure

Kwayedza

Arron Nyamayaro

MBAVHA dzinofungidzirwa kuti zvigure dzakapinda nechisimba pachikoro cheZengeza 2 High School chiri kuChitungwiza, ndokurova vana vechikoro vepo zvakaomarara, vamwe vavo ndokukuvara uye ndokuzovabira nhare nezvimwe zvinhu.

Nhubu idzi dzinonzi vanhu vanotamba zvigure kunzvimbo yeKumapositori iri kuSt Mary’s.

Vanonzi vakapaza durahoro ndokupinda muchivanze chechikoro ichi apo vakatanga kurwisa vadzidzi uye ndokuzovatorera nhare nemalaptop avo.

Mumwe mudzidzisi, uyo anoti anonzi VaSibiya, anoti nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa ayo ari kuiferefeta.

“Pane nhubu dzakapinda nechisimba pachikoro chedu dzichibva dzarwisa vamwe vana vechikoro,” vanodaro VaSibiya.

“Nyaya iyi yave mumawoko memapurisa uye durahoro rakaparadzwa riri kugadzriswa.

“Vadzidzisi vane chitsama vaive vasipo sezvo vakange vaenda kurufu pazuva iro nhubu idzi dzakashungurudza vana,” vanodaro.

Vadzidzi vanonzi vakazofora vachienda kuhofisi yemukuru wechikoro chavo vachimushora nekutadza kumisa kushungurudzwa kwavari kuita pachikoro ichi.

Zengeza 2 High

Vamwe vana vakakurukurwa navo vanoti vari kushungurudzwa zvakanyanya pachikoro apa.

“Pachikoro pano pane kushungurudzwa kwakawanda,” anodaro mumwe wevana ava.

“Takaratidzira kuvakuru vechikoro nekusatora matanho sezvo zvakawanda zviitiko zvakashata zviri kuitika ivo vachizviona.

“Vadzidzi veForm 2 vakarohwa ivo vakatarisa uye hakazi kekutanga kuti vanhu vanopinda muchikoro vachirova vana.

“Tinokumbira kuti nyaya iyi igadziriswe nechimbi-chimbi nekuti vamwe vana vave kuzeza kuuya kuchikoro.

“Vakuru vechikoro vanotya vanhu vanozviti vanotamba nyau ava, asi isu hatigone kushungurudzwa nekuda kwaizvozvo.

“Mutevedzeri wemukuru wechikoro takavaudza vakati madii kutiza. Kuchengetedzeka kwedu pachikoro hakuna kumira zvakanaka,” anodaro.

Kushungurudzwa uku kunotevera kurwisana kwakaita vamwe vadzidzi vaviri vachirwira ngowani.

Mumwe wevana ava, wekuMapositori kuSt Mary’s, anofungidzirwa kuti ndiye akazoshevedza zvigure izvi kuti zvirwise vana vechikoro senzira yekutsiva.

Gore rapera, mwana wepaZengeza 2 High School akabatana neshamwari dzake ndokuenda pane chimwe chikoro chiri kuManyame Park uko akabaya mwana wechikoro nebanga achibva afa.

Share This:

Sponsored Links

https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG