Zvikoro hokoyo naDokora!

13 Mar, 2015 - 14:03 0 Views
Zvikoro hokoyo naDokora!

Kwayedza

ZVIKORO zvizhinji mudunhu reMashonaland East zvakawanikwa zvichiita zvinhu zvisiri pamutemo mushure mekunge zvashanyirwa zvisingatarisire negurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, munguva pfupi yadarika.

Vakuru vezvikoro mudunhu iri vakashamiswa mushure mekushanyirwa naDr Dokora pamwe chete nemutevedzeri wavo, Professor Paul Mavima, Provincial Education Director, VaChristopher Chihota pamwe naDistrict Education Officer weSeke, VaRich Matimbe, avo vakangoerekana vasvika pasina akange azivisa nezvevayenzi ava.

Mamwe magwaro ane chekuita nemabatirwo emari dzezvikoro anonzi akawanikwa asina kurongeka izvo zvakaita kuti Dr Dokora vabvunzurudze vakuru vezvikoro zvacho. Vachitaura mushure mekushanya uku, Dr Dokora vakati chinangwa chavo ndechekuti vazvionere pamhuno sefodya zvimwe zvezvinhu zvavanosimbonzwa nerunyerekupe maringe nekusafambiswa zvakanaka kwezvinhu muzvikoro.

Mumakore adarika, zvikoro zvizhinji zvemuZimbabwe zvange zvakatarisana nematambudziko akadai sekuburitswa kwemapepa ebvunzo zvisiri pamutemo, kusashandiswa zvakanaka kwemari nekukundikana kwevabereki kubhadhara mari.

“Kuburikidza neongororo yatakaita, tiri kutarisira kuti zvinhu zvichafambiswa negwara. Tinoziva kuti kune zvakawanda zviri kuitika asi vashandi vedu kumahofisi ari mumatunhu vanofanira kugara vakaisa ziso muzvikoro izvi,” vakadaro Dr Dokora.

Vakati zvikoro zvinofanira kutevedza gwara rezvikoro zvakaita secheMandedza High School, kwaSeke, apo basa riri kufambiswa zvakanaka zvikuru nemukuru wepo, VaTakesure Kanyemba.

“PaMandedza High School zvinhu zviri kufambiswa zvakanaka zvekuti dai muzvikoro zvedu basa richifambiswa zvakadai, hataimbogunun’una,” vakadaro Dr Dokora.

Zvisinei nematambudziko ari kusanganikwa nawo mudzidzo, Zimbabwe iri kuramba iri pamusoro penyika dzose dzemuAfrica maringe nekuva nevanhu vanogona kuverenga nekunyora nechikamu che91%. –The Herald.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>