‘Zvinhu’ zven’anga zvorwa shanje’. . . hazvidi kuti ndisvike pedyo nemukadzi’

28 Nov, 2023 - 13:11 0 Views
‘Zvinhu’ zven’anga zvorwa shanje’. . . hazvidi kuti ndisvike pedyo nemukadzi’ Tapera

Kwayedza

Abel Ndooka

MURUME anogara kuDzivarasekwa, muHarare, anoti haasisina rugare muupenyu hwake nekuti kana nguva dzekurara dzasvika, anozvambaradzwa kurohwa muviri wose nezvinhu zvaasingaone.

Murume uyu, uyo watichangodoma nezita rake rekutanga rekuti Tapera senzira yekumuchengetedza, anoti dambudziko rake iri rakatanga mushure mekunge atanga kugara nemudzimai wake mutsva, Tarisai, uyo akazoziva padarika mwedzi misere kuti mukadzi wen’anga uye akange atiza murume wake.

Vaviri ava vakagara vose kwemwedzi misere vachisasana semurume nemudzimai asi vaichaya mapoto.

Tapera anoti akazongotanga kurohwa muviri wose nezvinhu zvisingaoneki kana nguva dzekurara dzasvika.

Izvi anoti zvakamushamisa zvikazoita kuti agare pasi nemudzimai uyu uyo akazobuda pachena kuti mukadzi wemunhu uye akatiza murume wake.

“Takagara tose kwemwedzi misere, asi handina kuziva kuti aive mudzimai wemunhu, akandinyepera kuti akange asina kurorwa.

“Tagara tose kukadarika mwedzi misere, ndakatanga kungonzwa ndichirohwa nezvinhu zvandisingaone kana nguva yekurara manheru yasvika. Kutaura kuno ini nemudzimai wangu tave kurara mudzimba dzakasiyana nekuda kwenyaya iyi nekuti ndikangoenda pedyo naye bedzi, ndinokwaturwa zvakasimba.

“Ndakazobvunza mudzimai uyu kuti zviri kumbofamba sei uye kuti ari kumbosangana nezvandiri kusangana nazvo here, iye akati kwete. Ndipo paakazondibudira pachena kuti ane murume uye akatiza murume wake uyo anove n’anga ya kugara kuMozambique,” anodaro Tapera.

Tarisai

Achipawo divi rake, Tarisai anobuda pachena kuti akatiza murume wake.

“Ini ndinobvuma kuti ndakatiza murume wangu wemakore wandaigara naye uyo aive n’anga, ndichizogara naTapera. Handina kunge ndataurira Tapera kuti ndaita zvekutiza murume wangu kuMozambique.

“Murume ndakamutiza nekuti aiita zvemishonga, ini ndakange ndisiri kuzvifarira nekuti ndinoda zvekunamata saka kunamata nemishonga hazvipindirane. Baba ava (Tapera) ndivo vandiri kuda kugara navo, asi manje dambudziko ratakatarisana naro ratishaisa rugare nekuti vanorara vachirohwa manheru kana vakangosvika pedyo neni,” anodaro.

Bishop Takaendesa Matika

Muhurukuro neKwayedza, mufundisi wekereke yeSt Angel’s Apostolic Church yekuDzivarasekwa, Bishop Takaendesa Matika Samuronda, vanoti kana Tapera achida kubatsirwa padambudziko rake anofanirwa kuenda kunoripa murume waTarisai.

“Tingade kuhwanda zvedu tichitsvaga zvakawanda asi nyaya hombe iripo ndeyekuti vaviri ava vanofanirwa kudzokera kune murume waTarisai vonoripa nekuti vakapara mhosha huru.

“Bhaibheri chairo rinotaura kuti Mwari havadi murume anotora mudzimai wemumwe, naizvozvo vaviri ava vakatotadza pamberi paMwari nekugara kwavange vachiita vese. Saka kuti panyaya yavo vabatsirike, vanofanirwa kuenda kunoripa uye mudzimai uyu odzokera kumurume wake.

Bishop Takaendesa Matika

“Kana mudzimai uyu achizobva, anofanirwa kubva vanyatsorambana nemurume wake,” vanodaro Bishop Samuronda.

Nekune rimwe divi, Tapera anoti mudzimai uyu anomuda uye akazvipira kuenda kunoripa kun’anga.

“Inini mudzimai uyu ndiri kuda kuramba ndichigara naye nekuti ndange ndichitoti ndawana mudzimai wekuchembedzana naye. Saka ndichaenda kunoripa murume wake ndotonzwa kubva kwaari kuti tofamba sei kubva ipapo,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links