ZVINODHAKA: Mwana ofurufusha amai

13 Nov, 2023 - 21:11 0 Views
ZVINODHAKA: Mwana ofurufusha amai Simbarashe Chamboko

Kwayedza

. ‘Kana iri ngozi ndakatoitora kare’

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI anogara mumusha weBudiriro 4, muguta reHarare, anoti upenyu hwake huri parumananzombe nekuda kwemwanakomana wake uyo anotora zvinodhaka zvinosanganisira mbanje nemutoriro, uye anogara achida kumurwisa.

Mai Vaidah Chamboko (63) vanoti vanetswa nemwanakomana wavo anova gotwe, Simbarashe Chamboko (32), uyo anovabirawo midziyo yavo pamba achitengesa nekunetsana nevavakidzani vavo.

“Ini ndakasiyana nemurume, baba vemwana uyu, ndikasara ndichigara nevana vangu vatatu, vasikana vaviri nemukomana mumwe chete – iyeyu gotwe. Musikana mumwe chete akazoshaya, mumwe akaroorwa.

“Ndaita dambudziko nemwana uyu wandinoti ndiye baba, anotorana nevamwe vake vechidiki vachinodhakwa kumabhesi kwavo. Akadzokako anosvika achindinetsera kudya nekuda kundirova,” vanodaro Mai Chamboko.

Vanoti mwana uyu vakambomuendera kumapurisa nekumatare edzimhosva vakapihwa gwaro redziviriro iye akanzi abve pamba munaKurume wegore rakapera, asi akazodzoka mwedzi mitatu yakadarika.

“Mwana uyu akatanga nyaya dzekutora mutoriro ari kuchikoro kubhodhingi kwaSeke (zita rechikoro tinaro) uko anonzi aiputa mbanje nevamwe vachitora mutoriro nezvimwe zvinodhaka. Akazodzingwa chikoro ndokudzoka kuno kumba tikambomuendesa kuhanzvadzi yangu ava kupinda chikoro kuGweru asi akadzingwa ndokuzoenda kuChitungwiza uko akazopedzisa chikoro chake ikoko.

“Ndikaenda kumapurisa vanonditi ndiuye naye kukamba kwavo kana kuti ndohaya motokari yekuti vazomutora, handizive kuti ndiwo mashandiro acho here,” vanodaro.

Mai Chamboko vanoenderera mberi vachiti: “Anomboita mazuva asipo vachidhakwa kumabhesi avo, paanodzoka anenge akangorara zuva rose achimuka husiku otorana nevamwe vake voenda. Ndinomuona achitora ma’bulb’ aye ma’ernegy saver’ achiputa uyewo mbanje ndipo pamusha padzo. Baba vacho ndinovataurira asi vanoti havachazvigona.”

Mbuya Vaidah Chamboko – Mifananidzo naTinashe Chitwanga

Mai Chamboko vanoti kana vachiverenga mapepanhau uye kunzwa panhepfenyuro nepaterevhizheni nyaya dzevabereki vari kuuraiwa nevana nekuda kwekutora zvinodhaka, vanonzwa kutya zvakanyanya.

“Ini handishande, ndinoita basa rekusona mbatya ndichitengesa zvinondiraramisa zvose nemukomana iyeyu. Iye haana basa raanoita, kana kurima bindu chaiko haadi, anouya nezvigubhu nezvimwe zvinhu achipisa kuseri kwemba uye ndikamubvunza anobva ada kundirova. Ndatambura,” vanodaro Mai Chamboko.

Simbarashe haana kuramba nyaya yake apo akamutswa naamai vake kuti ataure neKwayedza sezvo aitopfodora zvake hope panguva dzemasikati.

“Chokwadi ndinotora zvinodhaka kubvira ndichiri kuchikoro. Mutoriro nembanje zvakaipa nekuti hauzofunge zvakanaka. Muno ndinotuka vanhu, kusanganisira ivo amai chaivo.

“Handina chandinobatsira nacho kwavari, ndava kutya kuramba ndichitora zvinodhaka nekuti ndakambobviswa pamba nemutemo muchembere vandiendera kumapurisa ndikaita chigunduru chaicho. Ndinotya kuendeswa kuRehabilitation, ndava kuda kuita munhu kwaye,” anodaro Simbarashe.

Anoti ave kuda kubatsirana naamai vake kuvaka imba yavo inongova nemipanda mitatu chete.

“Ndinozviziva kuti ndiri kushungurudza amai vangu saka ndinoda kuzvivandudza ndiite mwana kwaye, ndinoda kuvaripa pachivanhu nekuti ndakapara ngozi. Chokwadi vechidiki taparara nekuda kwezvinodhaka,” anodaro Simbarashe.

Anokurudzira Hurumende kuti itore matanho akasimba kuitira kupedza dambudziko rekutorwa kwezvinodhaka nevechidiki.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanokurudzira vabereki nevamwe vanhu kuti vakaona vana vave kutora zvinodhaka zvakaita semutoriro, mbanje nezvimwe vakurumidze kumhan’ara kumapurisa.

“Vamwe vabereki vari kuuraiwa nevana vanotora zvinodhaka ava, tine nyaya dzakawanda dzakadaro saka mhanyai kumapurisa,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>