‘Zvinodhaka zvinokanganisa dzidzo’

09 May, 2023 - 10:05 0 Views
‘Zvinodhaka zvinokanganisa dzidzo’ Ephraim Katongo

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SANGANO reZimpact riri kudzidzisa vana vari kutsigirwa nekambani yeDelta Corporation pasi pechirongwa chemabhezari pamwe nevabereki vavo maringe nekuipa kwekutora zvinodhaka.

VaEphraim Katongo, avo vanova sachigaro wesangano iri, vanoti kutora zvinodhaka kunokanganisa dzidzo sezvo kuchiita kuti mwana akanganwe zvaanenge adzidza kana kupedzisira adzingwa chikoro.

“Vamwe vana vanotengesa midziyo yevabereki sedzimotokari, chikafu chaicho chinenge chiri mumba kana kunogoverana neshamwari dzavanodhakwa nadzo. Vamwe vanopedzisira vazvisungirira nyika yorasikirwa nevechidiki vanofanira kunge vachivaka nyika kuburikidza nekuisevenzera kuti isimukire,” vanodaro.

VaKatongo vanoti vechidiki vanotora zvinodhaka pamwe nekumhuri tsika dzavo vari kusanganawo nenyaya dzerusarura.

“Dzimwe mhuri dzakatoparadzana, vamwe havachataudzani nekuda kwevana vanotora zvinodhaka vopedzisira vaba, kuuraya kana kumitisana. Vakawanda vakatopofomara maziso nekuda kwekutora zvinodhaka secocaine, mbanje neguka.

“Mutoriro unokuvadza mitezo yose yemuviri zvekuti munhu anotanga kuibva pamwe nekuora achifamba. Saka zvinobatsirei? Ndechipi chikoro chinotora mwana anodhakwa? Ndeipi kambani inobvuma kushandirwa nechidhakwa – hakuna. Kutora zvinodhaka kuuraya upenyu hwako,” vanodaro.

Zvimwe zvezvinodhaka zviri kukanganisa upenyu hwevechidiki

VaKatongo vanoti vabereki vane vana vanotora zvinodhaka vanoshungurudzika zvikuru nenzira dzakasiyana.

“Zvakare, vabereki vanonwa doro kana kuputa fodya hazvina kunaka kutuma vana vari pasi pemakore 18 ekuberekwa kumabhawa kuti vanokutengerai doro renyu uye imhosva. Pamunovatuma paya, vanogona kushungurudzwa mumabhawa imomo kana kutozoona kuti mabhawa inzvimbo inopindika, vopedzisira vakwezvwa imomo.

“Imiwo vana, rambai kutumwa kumabhawa kunotenga doro,” vanodaro.

Vamwe vabereki vane vana vari kubatsirwa pasi pechirongwa ichi vanoti vanofara zvikuru nedanho riri kutorwa nekambani yeDelta nevamwe vatsigiri mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka.

“Vana havachatereri asi isu tine shuviro yekuti vabudirire muupenyu. Kuti tivarove neshamhu yatova mhosva huru pamutemo wenyika. Todini kuti vabatsirike? Ivowo vabereki ngavaregedze kutora zvinodhaka vana vachiona nekuti vanozovatsiura sei?,” vanodaro VaJames Mlambo vekuChipinge.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>