Zvinoitika: Dr Manangazira

23 Dec, 2016 - 00:12 0 Views

Kwayedza

MUKURU anoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere kubazi rezveutano nekurerwa kwevana (director of epidemiology and disease control), Dr Portia Manangazira, vanoti zvinoitika kuti mwana anokwanisa kuzvarwa aine mazino, mazamu kana dzimwe nhengo dzemuviri dzisina zera naye uye izvi zvinokonzerwa nemahomoni anenge ari mumuviri waamai vake.Mashoko avo anotevera nyaya yemusikana ane makore 15 okuberekwa wekuKwekwe uyo akasununguka mwana ane mazino, mazamu anobuda mukaka, maziso anobuda hurwa nevhudzi kusikarudzi kwake.

Dr Manganazira vanoti munhukadzi paanoyaruka, anenge aine mahomoni mumuviri ayo anogona kutapukira kumwana zvichizoita kuti agumisire ava kuzvarwa aine mazamu, mazino kana mimwe mitezo yemuviri isingaenderani nezera rake.

“Mahomoni iwayo anogona kuzopera nekufamba kwenguva saka hazvisi zvinhu zvinoshamisa zvakanyanya. Mazino amunoona anenge asiri mazino chaiwo nekuti anenge asina midzi, anogona kuzongobva achizomera mamwe kana zera rake rekumera mazino rakwana.

“Saka kana vanhu vasina ruzivo vanobva vatya vachiti mazino chaiwo nyambisirwa kwete,” vanodaro Dr Manangazira.

Vanoti zvakakosha kuti vanasikana vanenge vave pachidanho chekuita vana vabaiwe majekiseni anodzivirira matambudziko erudzi urwu.

“Kune majekiseni anobaiwa anodzivirira chirwere cheRubella kana kuti Congenital Rubella Sydrome ayo anodaidzwa kuti Rubella Vaccine. Munyika dzinobaiwa vana majekiseni aya, chirwere ichi chakaderera zvikuru saka zvakakosha kuti chikamu che80% chevanhukadzi vange vachibaiwa majekiseni iwaya,” vanodaro.

Sangano reWorld Health Organisation (WHO) rinokurudzira majekiseni aya kuti abaiwe kuvanhukadzi vanenge vave kukwanisa kubata pamuviri. Asi vakazvitakura neavo vanenge vaine masoja mashoma emumuviri havakurudzirwe kubaiwa.

Mishonga yeRubella inowanikwa iri mumapoka akadai seMeasles neMumps Vaccine (MMR Vaccine) neMumps neVarivella Vaccine (MMRV Vaccine).

Dr Manangazira vanoti musikana uyu anofanira kudzokera kukiriniki kwaakasunungukira kuitira kuti apihwe gwaro rekuzvarwa kwake.

“Ndinoti ngaaende kwaakasunungukira anokumbira kuti aendeswe kuzvipatara zvekumusoro mudunhu iroro. Varapi vanofanira kumupa kadhi remwana rinoratidza kuti akabarirwa ipapo, kuti agokwanisa kutora magwaro ekuzvarwa kwemwana uye kadhi iroro rinobatsira kuti paonekwe kuti mwana ari kukura zvanakaka here,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Ndinovimba kuti panogona kunge paine zvakakanganisika pakiriniki ipapo asi ndisingazivi hangu huchokwadi hwazvo, kuti varapi vakamuyambira zvekuti vambofamba kun’anga nekumaporofita kana kuti kwete? Asi, kana izvi zvakaitika, hazvitenderwi. Zvichida munhu akamusunungutsawo achiri kufundira basa nekuti musikana uyu aifanira kupangwa mazano maringe nemachengeterwo emwana.

“Kana mwana iyeye ari kumuruma nemazino iwayo, anogona kuita zvekusvina mukaka wacho achimupira mugaba rakachena nekuti mukaka wakakosha.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>