Zvinokonzera munhu kuzviuraya

22 Aug, 2022 - 15:08 0 Views
Zvinokonzera munhu kuzviuraya Archbishop Henry Ziwerere

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

NYANZVI dzezvechivanhu pamwe chete nevakuru vemakereke vanoti vari kushungurudzika zvakanyanya nekuwanda kuri kuita nyaya dzevanhu vari kuzviuraya nekuda kwezvikonzero zvinosanganisira kusavimbika murudo kana muwanano.

Semuenzaniso, svondo rapera kune nyaya yakabuda munhau yeaimbove mutambi wechikwata cheBuffaloes chekwaMutare, Philip Chandisaita, uyo anonzi akazviuraya nekunwa muchetura achipomera mudzimai wake kuita gumbo mumba gumbo kunze.

Nyaya iyi inotevera imwezve yaTafadzwa “Boss Pangolin” Murengwa aiita madhiri panzvimbo ine mukurumbira yeXimex Mall iri muHarare uyo akapfura musikana wake nepfuti ndokufa, iyewo ndokuzozviuraya nemuchetura mushure mekunge vanetsana nguva pfupi yadarika.

Mukuru weZimbabwe Christian Ministers Association, Bishop Christopher Choto vanoti vanhu vazhinji vari kusangana nematambudziko avasingazokwanise kutaura nevamwe kuti vabatsirike izvo zviri kuita kuti vamwe vacho vapedzisire vazviuraya.

Vanoti kune vamwe vanozviuraya vasangana nenyaya dzakadai sekusavimbika murudo kana muwanano, kubatwa chibharo uye kurwara nezvirwere zvisingarapike.

“Vamwe vanosarudza kunyarara kusvika pakuzozviuraya. Isu sevatungamiri vemakereke, tinokurudzira kuti vanhu vauye vachidurura zvinovanetsa kumakereke kwavo. Vafundisi vanobatsira kuburikidza nekunamata kuitira kuti mweya usimudzirwe uye nekutsvaga mazano ekubatsira mumweya nepanyama kuti upenyu huenderere mberi,” vanodaro Bishop Choto.

Mashoko avo anotsinhirwa naArchbishop Henry Ziwerere vanove mutungamiri weZion Bishops Conference of Zimbabwe vachiti kazhinji mweya wetsvina ndiwo unotuma munhu kuzviuraya.

“Vamwewo ndivo vari kutadza kuvimbana muwanano apo mumwe anopedzisira ave kuita gumbo mumba gumbo kunze zvichizokonzeresa kuti munhu asvike pakufunga kutora upenyu hwake,” vanodaro.

Mbuya Sibongile Maonde Sokhani vanove godobori rechivanhu kwaSeke vanoti mhepo dzakaipa dzinotandirana vanhu mumadzinza dzinogona kukonzera zvakare kuti munhu azviuraye.

“Ndokusaka muchiona kuti vazhinji vanozviuraya nhumbi dzavo hadzigovewe uye vanovigwa zvakasiyana nevamwe vafi sekusatopinzwa mumusha kana mumba chaimo kuratidza kuti pane mweya wakaipa. Vamwe vachiri nemukaka pamhuno chaivo vari kuzviurayawo kubudikidza nekusabatwa zvakanaka mudzimba uye nekuda kwezvimwewo zvikonzero.

“Kune vari kusvika pakushaya anovapa mazano nekunyaradzwa vopedzisira vatora upenyu hwavo,” vanodaro Mbuya Sokhani.

Zvisinei, Dr Mertha Mo Nyamande vanove nyanzvi yezvemashandiro epfungwa (integrative psychotherapist) vanoti kuzviuraya hakuna chekuita nemweya yakaipa, asi kuti kusagadzikana mupfungwa nekuda kwematambudziko akasiyana.

Dr Nyamande

Vanoti ongororo yavakaita inoratidza kuti vanhu vanotora zvinodhaka zvisingatenderwe mumuviri vane mukana wakakura wekuzviuraya nekuda kwezvivindi zvavanonzwa mushure mekutora zvinodhaka izvi.

“Kazhinji, vanhu vanomhanyira kufunga kuti mweya yetsvina inokonzera kuti munhu azviuraye nekuti havanzwisise kuti chii chainetsa munhu iyeye uye aifanira kubatsirwa sei. Tsika nemagariro edu echivanhu nezvimwe zvitendero zvinoita kuti vazhinji vasaongorore matambudziko zvakakwana vachingofunga kuti mweya yakaipa,” vanodaro Dr Nyamande.

Vanoti zvakakosha kuti munyika muno muve nenzvimbo dzakawanda dzekubatsira pachena vanhu vane matasmbudziko ekushungurudzika mupfungwa nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>