Zvinoreva Kirisimasi kuvamwe vanhu

21 Dec, 2022 - 10:12 0 Views
Zvinoreva Kirisimasi kuvamwe vanhu Mai Phigness Kateguru

Kwayedza

Kingstone Mapupu

NEMUSI wa25 Zvita, veruzhinji munyika muno vachabatana nevedzimwe nyika pasi rose mukucherechedza zororo reKirisimasi vachipemberera nekufara.

Kwayedza inoita hurukuro nevanhu vakasiyana avo vanopa maonero avo pamusoro peKirisimasi.

Mai Phigness Kateguru (36) vanotengesa zvinhu zvakasiyana pamusika wemabhazi weMbare muguta reHarare vanoti zororo reKirisimasi vanongorinzwa richipembererwa nevamwe, kwete ivo nemhuri yavo.

“Ini ndinoita zvechivanhu, ndinoteura madzitateguru angu vandinoitira mapira panguva yakakodzera. Hongu, mwana wangu ndinotengera mbatya itsva kwete kuti ndinopemberera Kirisimasi.

“Musi wa25 Zvita ndinoita mabiko ekuzvarwa kwemwana wangu akaberekwa musi wa25 Zvita. Panguva iyi ndinowanzoenda kumusha kwaDotito, kuMt Darwin, kunoita doro rangu rechivanhu.” vanodaro.

Mai Kateguru, avo vanove Chihera, vakataurwa navo neKwayedza vachitoputa zvavo fodya yebute iyo yavanoti inovasvitsa padyo nemidzimu yavo.

“Ndinoitira vadzimu vangu zvavanoda, mukaona musi weKirisimasi ndichipembera tinenge tichitoita zvakasiyana tichipira mashavi nevadzimu vedu nezuva rebhavhadhe remwana wangu,” vanodaro Mai Kateguru.

Asi, Pastor Hazvinei Muchefa vechechi yeRedeemed Christian Fellowship Ministry (RECFEMI) vanoti zororo reKirisimasi nderekupemberera kuberekwa kwaJesu Kirisitu mwanakomana waMwari.

Pastor Muchefa

“Kirisimasi izuva rakakosha zvikuru kwatiri isu maKirisitu, tinonamata nekupemberera kuzvara kwemudzikinuri wedu akatifira nekuda kwezvitadzo zvedu. Sechechi, tinoungana tichipembera nekuita miteuro yedu,” vanodaro Pastor Muchefa.

Botswana Musonza (33) wekwaWashayenyika, kwaNyamweda, kuMhondoro anoti chavanoita chete mabiko avo ekupemberera kuberekwa kwavasekuru vake, VaNyamadzawo, avo vakaberekwawo nemusi wa25 Zvita.

Botswana Musonza

“Ndinoona vazhinji vachimhanya-mhanya kugadzirira zororo reKirisimasi kuunganidza mipunga, doro nezvimwe. Ini muzukuru waVaNyamadzawo handina kumbobvira ndakaita izvi, ndinotevedza chivanhu chedu.

“Iri izuva rakaberekwa sekuru vangu, VaNyamadzawo, ndichapembera zuva rekuzvarwa kwavo. ZveKirisimasi izvi handizvizive, vanoita ngavaite zvavo,” anodaro Botswana.

Asi anoti haashore zvake vanhu vanokoshesa zuva reKirisimasi.

Madzibaba Nomatter Mafinu (32) vechechi yeJohane Masowe yeNyenyedzi Nomwe yekwaMicho vemuHarare vanoti mhemberero dzeKirisimasi dzinoitwa senzira yekufarira kuberekwa kwemwanakomana waMwari, Jesu Kirisitu.

Madzibaba Mafinu

“Mhemberero idzi isu sevatenderi tinoziva kuti izuva rekufarira kuberekwa kwemwanakomana waMwari, asi tinoziva kuti pane mhepo dzinotevera vanhu panguva iyi dzinobva kuvapenyu dzinosanganisira kupondana, tsaona uye kurambana chaiko kunogona kuitika musi uyu.

“Vanhu vanonwa doro saka izuva rinoshevedza zvakanaka nezvakaipa,” vanodaro Madzibaba Mafinu.

Vanoti vamwe vanoguma vapomerwa mhosva dzavasina kuita pazororo rakadai.

“Yambiro yedu tinoti vanhu ngatifarei takadzikama nekuti kune vamwe vari kutoronga kuti musi weKirisimasi ndipo pavanoda kukupedzera upenyu hwako. Tinoziva vamwe vakabaiwa nemapanga kana kutemwa nemabhodhoro vakakuvara nekufa musi uyu.

“Saka ngatinamatei Mwari wedu musi uyu tichikumbira kuitirwa zvakanaka, tosiyana nekuungana kunzvimbo dzisina hunhu. Vanoteura nenzira dzavo havashorwe, regai vaite,” vanodaro Madzibaba Mafinu.

Zvichakadai, Assistant Inspector Fungai Ngawagare, avo vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, vanoyambira vose vachaungana kunzvimbo dzakasiyana vachifarira zororo reKirisimasi kuti vasafarise.

“Semapurisa, tiripo kuti vanhu vapemberere Kirisimasi zvakanaka vorega kutyaira vakadhakwa nekupara mhosva dzakasiyana. Tiripo kuvasunga nekuchengetedza mutemo wenyika, mapurisa achange akazara munzvimbo dzose uyewo ngatingwarirei matsotsi,” vanodaro Asst Insp Ngawagare.

Share This:

Sponsored Links