Zviratidzo zvekuuya kweZhizha

12 Oct, 2022 - 11:10 0 Views
Zviratidzo zvekuuya kweZhizha VaArnold Kurwakumire Kawanzaruwa vachisika moto

Kwayedza

Kingstone Mapupu

PACHIVANHU pane zvinhu zvakawanda zvinooneka semucherechedzo wekuuya kwemwaka weZhizha izvo zvinosanganisira kurira kwenyenze nekumera kwemashizha matsva mumiti, aya anodaidzwa kuti pfumvudza uyewo nekubereka kwemichero yakadai sehacha.

Kwayedza inoita ongororo iri pamusoro pezvimwe zvezviratidzo zvekuuya kwemwaka weZhizha ndokuita hurukuro nevamwe vanotevedza zvechivanhu.

VaIsrael Pasipanodya Kawanzaruwa (62) vekumakomo eNharira kuNorton vanoti nyenze kapuka kakakosha zvikuru munyaya dzekuratidza kusanduka kwemwaka kubva muChirimo kuenda muZhizha.

“Tikanzwa nyenze dzave kurira, tinobva taziva kuti Zhizha rava kusvika uyewo zvinotiratidza kuti mvura ichawanda kana dzichirira dzakawanda dzichiita weti nekusvipa mate akawanda kubva mumiti madzinenge dziri. Dzikarira dziri shoma, tinoziva kuti mvura ichaita shoma, segore rino dzakawanda zvikuru zvinoreva kuti mvura ichawanda,” vanodaro VaIsrael Kawanzaruwa.

Kwayedza yakazvionera pasi pemiti paiva nevatori venhau paiita sepaidonha mvura kana kuti dova apo nyenze dzaiburitsa mvura nekusvipa mate dzichirira iro zuva richipisa.

Nyenze tupuka tudiki twakafanana neharurwa.

Nyenze

“Izvozvi tiri kuona hacha nenhunguru zvakawanda uyewo zvigan’acha mumiti yemishamba zvakawandawo pamwe nemichero yemusango. Uyu mucherechedzo wekuti mvura ichawanda.

“Vamwe vanodya nyenze vanodzifananidza nehwiza, mate neweti zviri kubva munyenze gore rino zvinoratidza kuti mvura yakawanda saka kune maguta. Izvi zvinokunda vanoona nezvemamiriro ekunze nekuti chivanhu ndicho chiri pamberi.

“Masvikiro edu nevadzimu vakataura kare kuti mvura iriko mwaka uno weZhizha watatarisana nawo,” vanodaro.

VaIsrael Kawanzaruwa vanoti panorira nyenze kubva mumwedzi waGunyana kusvika Gumiguru, ndipo panoitwa doro remukwerera.

“Izvozvi nyenze dziri kurira, miti yedu yava nepfumvudza mashizha ava kukora uye miti yakazara nemichero saka tava kuronga kubika doro redu rerukweza chete remukwerera. Rinobikirwa muno mugomo reNharira kubako rinonzi Chiburi.

“Kune miti yatinoteura inonzi Guranemuzvo, ndiko kwatinobikira doro iri rinonwirwa mubako mune matura edu epasichigare ayo aichengeterwa zvirimwa.

“Doro iri rinobikwa nemachembere aguma hura uyewo moto unobikiswa doro remukwerera tinoita wekusika nemuti nenzira dzechinyakare,” vanodaro VaIsrael Kawanzaruwa.

VaArnold Kurwakumire Kawanzaruwa (45), avo vanova nyanzvi yekusika moto, vanoti vanoshandisa miti yemutara kana mutsvubvu.

VaArnold Kurwakumire Kawanzaruwa vachisika moto

VaArnold Kurwakumire Kawanzaruwa vachisika moto

“Doro rechivanhu kusanganisira remukwerera iro tichabika mumasvondo mashoma ari kutevera, tinoita moto wacho wekusika. Hatishandise machisi kuubatidza nekuti tikadaro zvose zvatinoita hazvitambirwe nevadzimu.

“Pakusika moto uyu, zvinotora nguva ingaite maminetsi 30 kusvika awa imwe chete tichipanana zvijana kusvikira moto uyu wabatira. Paburi remuti ratinotenderedza hoko yacho kana kuti chisikiso, tinozoisa huswa hwemashe embeva kana hwakatsetseka, moto wobva wabatira,” vanodaro VaArnold Kawanzaruwa.

Vanoti moto uyu ndiwo unozobatidza zvimwe zvoto zvose zvichashandiswa kusvikira mutambo uyu wapera.

Bako rinoitirwa mukwerera uyu vanoti rine ninga inoenda kunosvika kuChirorodziva kuChinhoyi nekuMhondoro Ngezi kuChikapakapa Manhize.

“Hwai yechipiriso kana kuti yemupiro, vamwe vachiti yechitova, inopiswa nemoto wekusika zvakare mumwe chete unobikiswa doro. Doro iri rinobikirwa muhari nemvura inobva mukasipiti kemuno aki kanobuda mvura panobikwa doro iri chete.

“Pamutambo uyu, panouya masvikiro anobva kumatunhu akasiyana enyika nekuti mukwerera wenyika yose,” vanodaro.

Vanoti zviyo nechibage zvinobikiswa sadza nekuitiswa zvimwe zvinobva muruzhinji rwevanhu uye zvinonyikwa nemvura inobva mukasipiti zvakare.

“Zviyo nechibage hazviendeswe kuchigayo, zvinodzvurwa muduri nekukuiwa paguyo nemachembere,” vanodaro VaArnold Kawanzaruwa.

Share This:

Sponsored Links