ZVIRI MUGAPU: Imbodya guru nematumbu zvakasangana

20 Jun, 2023 - 12:06 0 Views
ZVIRI MUGAPU: Imbodya guru nematumbu zvakasangana Guru nematumbu

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

NYAMA yeguru rakasangana nematumbu kudya kune utano uye tinowana mapuroteni anoita kuti muviri udziirwe nekudzinga zvirwere.

Svondo rino Tanatswa Mhazi wekuWarren Park 1, muHarare, anotsanangura mamwe mabikirwo ehusavi uhu.

Zvinodiwa:

Chikari, matumbu emombe, guru remombe, muriwo wetsunga, mafuta, munyu, hanyanisi nemadomasi.

Mabikiro:

Geza maguru nematumbu zvichene.

Cheka-cheka kuita zvidimbu zvakafanira uise muchikari.

Dira mvura yakawanda kuti aibve.

Chekerera hanyanisi nemadomasi pamwe chete.

Kana muchikari mvura yava kuita shoma, isa twumafuta twushoma sezvo muriwo uyu wagara uine mafuta awo nechekare.

Isa munyu wakaringana.

Chekerera twumuriwo twetsunga twushoma ukande.

Ndapota usaise mbiriso (masipaisi).

Siya zvikwate kusvika zvaibva.

Wozodii?

Kana zvadai, chibura upakure udye hako mutakunanzva uyu nesadza rezviyo, remhunga, remapfunde, jena kana nemupunga sezvo sarudzo iri yako.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachinyorwa chino panhare dzinoti: +263 773 394 753 kana +263 713 411 281

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey