Zvisingatendeseki

21 Jul, 2017 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza —

3. NDEZVIPI zviitiko zvisere zvaungati hazvitendeseki zvinowanikwa muna Museve Usingapotse? Tsigira mhinduro yako zvizere. [25]

Zvinhu zvisingatendeseki hazvina chokwadi maererano neupenyu hungararamwe nevanhu, inokwanisa kuve wedzeredzo yesimba nemaitiro emunhu kana zvimwe zvinhu sekuzivikanwa kwazvo upenyu.

Kunzwa mutinhimira wehosho, ngoma nekuimba asi varidzi nevaimbi vasingaonekwe hakutendeseki. Tinozviona panoenda Mambo Chakaingesu, VaMatose naKaringe kuninga yedzinza ravo zuva rekutanga. Karinge anonzwa kudzivirwa nzeve nemaungira engoma, hosho nenziyo asi chakamushamisa ndechekuti paaicheuka haana kuona vanhu vairidza ngoma, hosho nekuimba ava.

Hazvitendeseki kuti munhu agotakura gate renyuchi dzegonera. Izvi zvinoonekwa kuna Mambo Chakaingesu vanotakura gate renyuchi dzegonera raive muninga yairadzikwa madzimambo edzinza ravo vachinorikanda panze peninga ndokutanga kuruma mauto aMambo Mupambi asi vasingarumwiwo.

Chinhu chisingatendeseki kuti nyoka ibatsire munhu kurwa hondo. Tinozviona kuna Mambo Chakaingesu vanotakura zigate raive nemhungu huru kwazvo yaigara muninga yairadzikwa madzimambo avo. Vakanorikanda kunze kweninga ndokubva rasvada Murambiwa aive mumwe wemauto aMambo Mupambi vaida kupamba umambo hwavo.

Hazvitendeseki kuti munhu ave neunyanzvi hwakapfurikidza pakurwa hondo. Tinozvijekeserwa naMambo Chakaingesu vanonzi vakarova Mhosva aive uto raMambo Mupambi nemuseve pahuma achienda mudenga sechamupupuri achidzoka ndokumugamhazve netsvimbo pahuma achibva angofa.

Munhu kubata nyoka nepadumbu hazvitendeseki. Izvi zvinojekeswa naKaringe paanenge ari musango neshamwari dzake vachivhima. Pavanoona zinyoka huri usiku, Karinge anoribata nepadumbu achirizvuva rakamutarisa rakangobuditsa rurimi asi hapana zvarinomuita.

Chimwe chisingatendeseki kuti munhu mumwe chete agorwisa mbada achiiuraya. Zvinobuda kuna Karinge paanenge ari musango neshamwari dzake vachivhima apo anenge achitenderera pedyo nemusasa wavo. Anosangana nembada yakanga yave kutomukachikira ichida kumuuraya asi anoibaya nemuseve pamwoyo ichinorovera pamuruvare ichibva yangofa.

Hazvitendeseki kuti munhu arwisane nechipembere. Tinozviona pana Karinge anosangana nechipembere nevamwe vake vari munzira kunopotera kwaMambo Tineshungu ndokuchibata nyanga huru nekuchitasva chikazonorovera pamuti ndokubva changonyarara.

Chisingatendeseki kuti munhu agogara pasi pemvura kwenguva refu. Izvi tinozviona panobikwa doro rekuvigwa kwaMambo Chakaingesu zviri pamutemo. VaMatose vainge vapoterwa nemudzimu vakapinda mudziva reNjuzu ndokugara pasi pemvura kwenguva refu kwazvo zvekuti vakasara kunze kwedziva vakanga vototya kuti zvimwe vany’ura asi vakazobudamo vakamonera mapfupa amambo padehwe rembada.

4. Tsanangura zvimhingamupinyi zvishanu zvinosangana naPondai muchinangwa chake chekutsvaga rubatsiro rwemauto kwaMambo Mupambi uchiratidza kukunda kwaanoita chibingamupinyi chega chega kubva muna Museve Usingapotse. [25]

Pondai anosangana nechibingamupinyi chekurumwa nechinyavada. Izvi zvinobuda paanenge ari parwendo rwake rwekuenda kwaMambo Mupambi kunotsvaga rubatsiro rwemauto. Tinomuona akarara pakati pesango asingakwanise kufamba, arumwa nechinyavada pedyo nemukangato. Anopona nekuramba akarara kwechinguva kusvika ave kunzwa zviri nani.

Chibingamupinyi chepiri chinosangana naPondai ndechekuneta. Izvi zvinoonekwa paanosvika pamuzinda waMambo Mupambi ndokudonhera pamakumbo pavo vakagara navanyachide vavo pasi pehozi, achidikitira muviri wese. Anopona nekumbovharirwa kwaanoitwa naNyamaropa naNhemamusasa muimba yevasungwa achiwana kuzorora.

Pondai anowirwa nechibingamupinyi chekusungwa. Tinozviona Mambo Mupambi pavanenge vagere muberevere mehozi ndokushevedza machinda avo maviri, Nyamaropa naNhemamusasa kuti vaende kunovharira Pondai muimba yevasungwa. Anopona nekuzotaura chinangwa chaaive afambira chekuti aida rubatsiro rwemauto ekurwisa Mambo Chakaingesu ndokuzosunungurwa.

Chimwe chibingamupinyi chinowira Pondai inyota. Chibingamupinyi ichi chinojekeswa nemhere yaanoridza ari muimba yevasungwa achikumbira mvura yekunwa ndokudirwa masvisvinwa edoro kumeso naNhemamusasa. Pondai anozopona nekupiwa mvura yekunwa nemachinda aMambo Mupambi kuti akwanise kutaura nyaya yaakanga afambira pamberi pedare ravo.

Pondai anowirwa nechibingamupinyi chenzara. Izvi zvinoonekwa panoenda Nyamaropa kuna Mambo Mupambi achinovakumbira kuti vanzwe mashoko aPondai nekuti akanga ave kubvunda nenzara seachafira mumaoko avo. Pondai anopona nekutaura chokwadi chekuti aida rubatsiro rwemauto mushure mazvo ndokuzopiwa zvekudya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>