— Zviwanikwa zveZimbabwe —

04 May, 2018 - 00:05 0 Views
— Zviwanikwa zveZimbabwe —

Kwayedza

Juliet Sharon Tom

SHATO

(Inhlato/Python)

SHATO inowanikwa muZimbabwe — iyo inodaidzwa kuti “African Rock Python” — ndiyo nyoka yakakurisa muAfrica uye imwe yenyoka huru pasi rose. Nyoka iyi haina uturu hunouraya kana ikakuruma.

Kana yakura, shato iyi inoreba mamita 3 kusvika 3,5 asi kune dzimwe dzinodarika zvekusvika pamamita 4. University of Michigan inoti shato yakarebesesa ndeyakaonekwa kuIvory Coast iyo yaiva mamita 7,5m.

Shato huru inorema pakati pe40 kusvika 55kgs zvisinei nekuti dzinoita duku kana dzakawanda panzvimbo.

Shato inogona kurarama kwemakore 15.

Kana muri muZimbabwe, nyoka iyi inofarira kugara munzvimbo dzine hunyoro kana pedyo nemvura.

Shato ine muviri wakaomarara uyo une ganda rine tumakwati twemavara anoti brown, olive, chestnut neyellow kumusana nemumativi asi yochenuruka pasi.

Musoro weshato unoda kunoita sezvakaita musoro wepfumo.

Shato inokandira mazai ari pakati pe30 kusvika 100 kamwe chete ayo ane goko rakaomarara. Nyoka iyi inochengetedza mazai ayo yakaita zvekuamonera dakara achechenya mushure memazuva 90.

Pavanochengenywa, vana veshato (nzenzana) vanenge vakareba 45 kusvika 60cm uye vanochengetwa naamai vacho kwemasvondo maviri vachidya zvakaita sembeva kana shiri diki.

Asi kana shato yakura, inodya mhuka dzakaita semhara, shiri kana tsoko nemakudo.

Shato inouraya chainoda kudya nekuchimoneredza uye apo mhuka yasungwa inenge ichitambura kufema, iyo inobva yatonyanya kuisunga kusvikira yafa.

Kana dai zvazvo shato iine mazino, nyoka iyi haitsenge chainodya asi kuti inongomedza chose nekukura kwacho izvo zvinoita kuti igare panzvimbo payadyira kusvikira chayadya chazeyewa mudumbu mayo.

Shato dzinozivikanwa nekusvika mumisha nechikonzero chekuti dzinenge dzichida kubata zvipfuyo zviduku sembudzi kana huku.

MuZimbabwe, shato inyoka yakachengetedzwa nemutemo zvekuti haitenderwe kuuraiwa. Asi nechikonzero chekuti shato hadzina uturu sedzimwe nyoka, vanhu vanowanikwa vachidzibata kuti vadzishandise mune zvakasiyana semishonga yechivanhu.

Zvisinei, nyoka idzi hadzina masimba sezvinofungwa nevanhu nokudaro hadzifanirwe kubviswa munzvimbo dzadzinogara. Vanhu vanokurudzirwa kugarisana zvakanaka nezviwanikwa izvi.

Kana ukaona shato pamusha pako, usaedza kuibata kana kuirwisa asi kuti zivisa veParks and Wildlife kana mapurisa vari pedyo.

 

. Kuti muzive zvakawanda batai veZimparks Public Relations pa: 0772620178.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>