— Zviwanikwa zveZimbabwe —

11 May, 2018 - 00:05 0 Views
— Zviwanikwa zveZimbabwe —

Kwayedza

Juliet Sharon Tom
MUZIMBABWE mune mhando mbiri dzemapere — Brown hyena neSpotted hyena.

Bere rinonzi Spotted hyena ndiro rinonyanya kuonekwa.

Iri bere rinoita ruzha rwatingati kuchema kana kuti kusekerera — pamwe pacho rwusinganzwikwe nyore nevanhu.

Spotted hyena ibere rinokwanisa kuvhima richiuraya roga charinoda kudya semhuka asi dzimwe nguva rinodyawo mhuka dzarinowana dzakafa.

Bere iri rine shaya nemazino akasimba zvikuru zvekuti rinokwanisa kutsenga mapfupa emhuka pasina dambudziko.

Sekutaura kwaHans Kruuk, nyanzvi yezvemararamiro emhuka muAfrica, bere reSpotted hyena rinongovhima mhuka sezvinoita shumba.

Rinokwanisawo kubata hwema hwedzimwe mhuka, rinonzwa nekuona zvakanyanya.

Spotted hyena rakareba makumbo emberi pane ekumashure riine chipfuva chikuru uye rine musoro mukuru nemvere pfupi dzakamira kubva muhuro kusvika panotangira makumbo emberi.

Ruvara rwaro rwakada kutsvukuruka zvishoma (sandy yellow) riine madoo akasvibira nemuswe une mvere dzakaomarara.

Mapere anogara ari muzvikwata zvikwata asi rinogona kuonekwa riri roga.

Huwandu hwemapere hunofambirana nekuwanikwa kwechikafu munzvimbo.

Bere gadzi iguru pamuviri kudarika rume (mukono) uye ndiro rinotungamirira mamwe.

Mapere anogara mumaguru anenge akacherwa nedzimwe mhuka dzakaita senjiri, nhire kana makava kana kuti mumapako.

Bere rinoita mawuta kwemazuva 110 apo rinozobara handa mbiri, kazhinji kacho.

Asi mamwe anobereka handa nhatu.

Bere rinonzi Spotted hyena rinozivikanwa muZimbabwe nekusvika kumisha yevanhu.

Bere iri rinoonekwa seimwe yemhuka dzinonetsa (problem animals).

Pasi pemutemo weParks and Wildlife Act, kana vanhu vaingwa kana kuti vasangana nebere, vanokurudzirwa kuzivisa veParks and Wildlife vari pedyo navo.

MuZimbabwe, vamwe vanhu vanoti mapere anofambidzana nemabasa ehuroyi.

Zvisinei, mapere anoita basa rakakosha mukurarama uye hapana humboo hwati hwawanikwa nenyanzvi hunoti mhuka iyi inotaswa nevaroyi pakufamba husiku.

 

. Zvimwe zviri muchinyorwa chino:

Chris and Tilde Stuart-Field guide to the Larger Mammals of Africa

Clive Walker – Signs of the Wild.

. Kuti muzive zvakawanda batai veZimparks Public Relations pa: 0772 620 178.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>