Zvombo nemidziyo uye mabasa azvo

04 May, 2018 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
HUTSANZI hwekugadzira zvombo zvekushandisa mumabasa kuti areruke hune nhoroondo inobvira kutangwa kwakaitwa kusika moto nekuzoziva kupfura simbi kuti dzigogadzira zvombo zvakasimba kupfuura zvaigadzirwa nemiti nematombo. Izvozvo zvombo zvaigadzirwa nemiti nematombo zvaigadzirwa nehunyanzvi hwekuti zvaigona kuzoshandiswa kuita basa razvainge zvagadzirirwa.

Tingada nekutanga kuona kukosha kwetsvimbo chaiyo, iyo yaisiiwa iine musoro wekupondesa mhuka pakuvhima. Yaigadzirwa nehunyanzvi hwekuti yaisanetsa kubata nekupotsera.

Nekuda kwehunyanzvi hwaiva muvanhu vekare, vakagadzira chine musungo nekawaya chichinzi chibatiswe hove vachibva vachitumidza zita rekuti chirauro kana kuti chiredzo. Kuti chiredzo chiratidze kuti pane zviri kuitika mumvura, vakabva vagadzira inonzi nheme iyo inova kamuti kane buri rinopfuura nekashinda kakasungirirwa chiredzo. Nheme iyi inokwanisa kuny’ura chete kana chirauro chadhonzwa zvine simba zvichiratidza kuti pane chabatwa.

Nemhaka yekuziva kuti kudya kwaibva mukuvhima nekuunganidza michero, zvombo zvizhinji zvavakagadzira zvaive zvakanangana nekuvhima. Vakagadzira chetsanga chakarukwa nemiti chinobatiswa hove huru uye dzakawanda chinonzi duwo. Ruzivo rwakaramba rwuchikura kusvika vanhu vafunga kugadzira mapfumo nemiseve izvo vaizokanda kubaya mhuka dzainge dzotiza. Vakabudirira mukugadzira mapfumo ayo aibaiswa mitumba yemhuka dzakaita senhoro nedzimwe.

Mhuka dzimwe diki dzakagadzirirwawo zvombo zvadzo zvokubaiswa nazvo izvo zvakatumidzwa kunzi mhayo kana kuti kandye. Mhayo kana kuti kandye zvaishandiswa kubaya nhindiri nesema.

Dzimwe mhuka dzainetsa kudzingirira dzamara varuka zano rekugadzira musungo kana dhibhura. Dhibhura raigadzirwa nemisungo yaisungirirwa mugwara rinofamba nemhuka.

Mushure mekuona kuti dzimwe mhuka dzaive nesimba rekudambura musungo kana dhibhura, vakabva vagadzira chinonzi chizarira. Chizarira chaivakwa namapango apo mhuka dzaivharirwa imomo kana dzapinda dzamara vavhimi vasvika kuzodziuraira imomo.

Havana kupererwa nemazano zvakare apo vakabva vagadzira hunza. Hunza inocherwa pasi, poiswa twumiti netwuuswa twushoma pamusoro zvekuti mhuka dzikatsika dzinowira dzobva dzatadza kubuda kusvika vavhimi vauya namapfumo kuzouraya dzawira dziya.

Nyaya yekuvhima yakaramba ichipfungaaira mumisoro yevanhu kusvika pakugadzira gidi kana kuti chibhamu panova ndipo pakazobva kugadzirwa kwepfuti dzotoona mazuva ano.

Shiriwo dzakagadzirirwa ugombe uyo waiva musungo wekudziteyesa nawo. Nemhaka yekuda kuzocheka nyama nezvimwe zvakadaro, vanhu vakagadzira mapanga airodzwa namatombo. Mapanga aisanyatsocheka dzamara vakazogadzira mhesvi idzo dzaipinzisisa kupfuura mapanga.

Nyaya yekugadzira chekupfeka yakaita kuti matehwe ade kubatanidzwa nekusonanidzwa nekudaro vakagadzira chekusonesa nacho matehwe chinonzi mutsunda. Nanhasi vanosona butsu vanoshandisa mitsunda.

Mushure megoho ruzivo rwamasaga namatura rwakauisa kagadzirwa kwedumbo iro rinoshandiswa kusona masaga anenge azadzwa negoho. Dumbo rakatanga richigadzirwa memiti asi iye zvino rava kugadzirwa nesimbi.

Kubva mukugadzira dumbo ndimo makauya pfungwa yekugadzira tsingano kana kuti tsono. Tsono, tsingano kana kuti nariti zvakatanga kusoneswa hembe uye nanhasi tiri kungodzishandisa.

Ruzivo rwakaramba rwuchikura dzamara vanhu vazosangana nenhavhaya kana kuti chisvo izvo vaishandisa kutemesa nyora.  Ndidzo reza dzangoti tekeshe pasi rose.

Hazvina kugumira ipapo kusvika pakuti pakagadzirwa svumbunuro dzekuvharisa dzimba idzo dzototi kiyi mazuva ano.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>