Iwe rongeka

20 Jan, 2017 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga—

CHIKAMU chapera ndaiedza kugadzira hwaro hwekuti chiShona chipihwe nguva yacho yakaringana kuitira kuti chigobuda zvakanaka pabvunzo. Ndaida kudzinga pfungwa yekuti chiShona chakapata nekudaro tinongonyunyurudza kana tochibata.Ndinoda kuti tidzidzisane kuti vana godobori vezvedzidzo vakaita tsvagurudzo vakaona zvakakodzera kuti chiShona ichochi chipihwe nguva yakafanana nechiRungu pakudzidzwa. Ndiko kusaka muchiona chakapihwa mikana mipfumbamwe pasvondo (time table).

Ndizvo zvimwe chete nechiRungu. Kana dziri svomhu nezvimwe zvese, izvi mikana yazvo mishoma chaizvo pasvondo. Saka ndati ngatipei chiShona nguva yacho yakakodzera kwete kuitora toita ndiyo nguva yekuita zvimwe zvidzidzo zvatinofungidzira kuti zvakakosha.

Ndichapa musoro wechirongwa dingindira rinoti rigamhe richabva Hwedza. Zvinodudza izvo kuti paya patiri kuroverana musoro, chibva wangobata ipapo kwete kuzoda kuita gadaidzo nguva isisaite.

Tandara wawaridza.

Mukana uno gore richitanga tiri kubva tangorikanda rwezvinodiwa muchiShona chedu dakara tipinde mubvunzo. Ndipo pandiri kuti batisisa richakandwa kudai.

Zvinhu zvinozivikanwa chose kuti bvunzo redu rine mapepa maviri. Mapepa aya anobata nzwisiso nemutauro mune rimwe. Kozobatwa zvakare nzwisiso nerondedzero mune rimwe racho. Nokudaro zvinoda kurongeka kuti ugokunda mumapepa maviri aya.

Mukuda kurongeka ikoko chekutanga kuva nepfungwa dzakaringana uye dzinotendeseka (positive mind) kuti zvirokwazvo chiShona chakakosha. Unofanirwa zvakare kuchinja mafungiro (mindset) ekuti chiShona chakapfava nekudaro handingatambise nguva yezvimwe zvidzidzo ndichiswero tataritsana nayo.

Ipapo ndipo panotangira kurongeka. Munhu akada kutaura chiRungu anoda kuona kuti chakatwasuka here. Kana chiri chiShona haana hanya nazvo, uye zvinoita sezvinoshamisira kuti haanyatsogona Shona.

ChiRungu anobva ada kuchitaura nerurimi rwemurungu achitaurira mumhuno. Zvino ndinoti izvozvi ibva watoshandura mafungiro iwayo richabva hwedza.

Danho rekutanga nderekuedza nepaunogonera kusataura chiShona chamasanganiswa. ChiShona chiri kupfukutwa neinonzi (slang) apo vana vanotevedzera kutaura kwakamonyoroka pedzesere voita saizvozvo muzvinyorwa zvavo.

Mazwi akaita sana “kubhohwa, sisi, mhomzi” neakadaro ava kutonyorwa murondedzero.

Zvirokwazvo unonyatsoziva kuti chiShona chako chakamonyoroka iye zvino zvawava mudanho rechinomwe kudai. Izvi zvinobudikidza nezvinyorwa zvawaita mumagwaro epasi nekuti zvaikwenywa uchipihwa goho.

Chibva watotanga kuzvirapa nguva ichiripo. Tora zvinyorwa kana mabhuku eShona (Shona novels) ubva watoti sikasika nawo. Mabhuku iwayo mushonga mukururu chose nekuti ane zvose zvinodiwa mukuvaka mutauro. Mumabhuku iwayo mune chiShona chamandorokwati chisina masanganiswa.

Unodzidza zvakare kubva imomo mavakirwo emutauro. Ndimo zvakare mune mashandisirwo ezvirungamutauro akaringana. Munodzidzwa sungawirirano kana manyorerwo chaiwo ezvirevo zvizere.

ChiShona chepepa repiri chinoda vana vaya vane hunyanzvi hwekurudunura chinyorwa kubva kunhanganyaya kusvika kumhedziso. Tinoda kuziva chose kuti kana tichida kuti chinyorwa chitevedzerwe zvakanyanya chinofanirwawo kunakidza.

Nokudaro mutwumabhuku Hunyanzvi hwakakomba hwakashandiswa kuti vanoverenga vagonzwa chidakadaka chekuramba vachida kuverenga kubudikidza nemanyorerwo acho zvoreva kuti uya anoverenga aya mabhuku anozovawo nehunyanzvi hwakadarowo.

Chimwe chinobatsira kuverenga chero mumapepa nhau akafanana neKwayedza. Ipapowo mukana wekusangana netsumo nemadimikira kana nyaudzosingwi dzakanangana nebvunzo wakakura. Unodzidza zvakare manyorerwo erondedzero ye“report”.

Mhando iyi inonyanyobuda kudivi rezvemutambo. Ukaita izvi izvozvi gore richatanga unenge watorigamha richabva Hwedza.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>