3 000 vodzokera kuchikoro

17 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
3 000 vodzokera kuchikoro

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
VANHUKADZI nevanhurume vanodarika 3 000 vave kubatsirika kuburikidza nekudzidziswa mabhindauko emabasa emawoko akasiyana pakoreji yakazvimirira yeTamiranashe Women’s College iri kuNorton.

Mutungamiriri wekoreji iyi, Mai Nancy Mbaura (42), vanoti donzvo ravo nderekusimudzira madzimai nevanhurume kuti vakwanise kuita mabhindauko anovapa chouviri.

“Koreji yedu takaivhura muna 2015 tiine chinangwa chekusimudzira madzimai munyaya dzemabasa emawoko, kusanganisira vanorarama nehurema. Tinodzidzisa madzimai kutyaira motokari nekuva nemarezinesi.

“Senzira yekuenzanisa mikana pakati pevanhurume nevanhukadzi, tiri kutora zvakare varume, avo vakasununguka kuita zvidzidzo zvimwe chete izvi,” vanodaro.

Vanoti vari kufundisa zvakare madzimai akasiira chikoro panzira nekuda kwezvikonzero zvakasiyana, kuitira kuti vakwanise kushandura upenyu hwavo kuburikidza nedzidzo.

“Tine madzimai anosvika 120 vakasiira chikoro panzira avo vakadzoka kuchikoro. Asi tichine dambudziko revamwe vari kusarudza kuti vana vavo vaende kuchikoro pachinzvimbo chavo ivo nekuti vanonetseka kuwana mari yechikoro yevana,” vanodaro.

Mai Mbaura vanoti zvimwe zvidzidzo zviri kuitwa pachikoro chavo zvinosanganisira kugadzira motokari, kubika, kuweredha, kuveza, kurima howa, kusona nekubika makeke.

“Pane zvimwe zvezvidzidzo izvi, tinokurudzira madzimai kuti auye nezvekushandisa tichivafundisa nekuti hatisati tava nevatsigiri. Kuburikidza nezvidzidzo izvi, mamwe madzimai ave kuzvivambira mabhizimusi avo vachiwana mari yekuriritira mhuri,” vanodaro.

Mai Mbaura vanoti vari kutarisira kuzoita makwikwi ekuratidzira micheno emadzimai anopfeka mbatya dzemuAfrica dzemhando yeAfrican attire munguva pfupi iri kutevera senzira yekusimudzira mabasa emawoko.

Zvakadai, vanoti vari kutsvaga rutsigiro kubva kumakambani nemasangano anoda kubatana navo mukusimudzira dzidzo yevanhukadzi.

Pamela Lungu, uyo anova mumwe wevadzidzisi vepachikoro ichi achifundisa chidzidzo chekunhadzurudza runako (cosmotology), anoti chiri kufarirwa zvikuru nekuti zviri nyore kuti vadzidzi vawane mabasa kana vachinge vapedza.

“Pari zvino tine vadzidzi gumi nevashanu vatiri kufundisa zvidzidzo zvekuumbiridza runako. Tinofara zvikuru kuti vazhinji vacho vanopedzisira vave kuzvishandira nekupinza vamwe mabasa apo vanovhura masaruni (saloons) avo vachizviwanira mari,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>