A-LEVEL — MUBAIRO: George anotsanangurirwa zvainge zvaitika kuchechi

24 Jul, 2014 - 09:07 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 8 (Ongororo: Enderero mberi)
Mukuparidza kunenge kuchiita Mufundisi Pasipanodya, anokatanura bhachi rake kwava kuriradzika pakatafura vanhu vose ndokumutarisa. Kana nevana vadiki havana kuita musindo wemhere mhere, vainge vakanyarara “sokunge vaive nematombo” (38). Anoparidza achitaurira vanhu kuti kana vakagarisana zvakanaka ngavarege kugara vakangotarisa kuti vachapihwa nanhingi “sehuku dziri muchirugwi (38).

Tsumo tinodziwana kuti Mufundisi Pasipanodya atsigire dingindira remharidzo yake, anoti Bhaibheri rinotaura pachena richiyeuchidza chivanhu chedu chekuti “mudzimu weshiri uri mudendere” (38).

Apa anoreva kuti munhu anove akachengeteka kana ari pakati pevamwe vanhu.

Izvi zvinosimbisa pfungwa yake yokuti munhu  anofanira kutanga ada hama nekugarisana zvakanaka asati ati ava kuda Mwari uyo waasingaone.

Munhu haarasiki kana achinge ari pane vamwe.

Kana ari pane vamwe anogona kubvunza zvaanenge asinganzwisisi. Kubvunza ndiyo nzira yakanaka yokuti munhu awane ruzivo.

Dingindira rake nderekuti munhu ave nevamwe saka achiti, “Kana pane vanoshaya mukati medu, kuzvigona kutobvunza vacho vari mberi kwavo” (38). Kurwa hakugoni kuumba rudzi runodadisa, anoenderera mberi achidaro.

Nhinhi yomunhu kana kuti munhu ane mwoyo wakaoma sedombo asingadi kuteerera zvinotaura vamwe haangagoni kunzwisisa zviri kuparidzwa nemufundisi.

Zvinotoda uyo akateerera vamwe akabvuma dzidziso yavo saka muparidzi achitsigira zvaari kutaura achiti, “kuudza kunoudzwa akaudzwa kare neDenga” (39).

CHITSAUKO 9 (Nyaya yacho)
Vava kubva kusvondo mai vaMusekiwa, mai vaMandizvidza namai vaTichaona vanofamba pamwepo, madzimai maviri okutanga ndokupomera mai vaTichona mhosva yokuti ndivo vaita kuti mai vaYeukai vauye kusvondo.

Vaviri ava vanotanga kutaura zvisina kunaka pamusoro paamai vaYeukai vachivashoropodzo nekuvashora izvo amai vaTichaona vanovatsiura vachiti kutaura kwemadzimai eruwadzano here kwavari kuita.

Mai vaTichaona vanosvika pakushatirwa ndokuburutsa mwana kwava kumira pamberi pavo vachiti ngavabve vapedzerana ipapo nekurovana.

Anovati vaburutse vana vagoona kukinditsana ipapo.

Madzimai maviri ava vanobva vatya, mai vaTichaona vachizviona ndokuvasvipira mate kumeso asi hapana chavanovaita.

Vanovati ngavafambe vari mberi kwavo ndokuvayambira kuti vaizovanyararira kana George aneta nekuvamwaira sehuku.

Manheru acho vapedza kudya George anotaurira mudzimai wake kuti akatarisira kuti vamurondedzerewo zvekusvondo ivo ndokuti mai vaTichaona vainge vasingawedzere paya pavakavataurira nezvemufundisi mutsva.

Vari kukurukura nezvekuchurch, George anobva anzwa mazwi aMusiyiwa naTendai vachibva kwaambuya vaMusiyiwa Tendai ndokuti ainge afadzwa nokumusha kwaambuya vaMusiyiwa.

Vana vanopedza kudya, Musiyiwa anosimuka achiti anoda kumbonoverenga mabhuku ake asi George anomumisa achiti anoda kuti iye naamaiguru vake vataure zvavanofunga kuti vaite kuti basa ravo rienderere mberi.

Mudzimai waGeorge anoti sezvo vaidiridza bindu kaviri pasvondo, chaive chinhu chakanaka kupota vachitakura hinjini sezvo yaigona kubiwa.

Achiona George achigutsurira kuwirirana nazvo, anoti Musiyiwa aifanira kudzidziswa kutyaira motokari nekuti pane imwe nguva musoro waimbomutema George zvekusanyatsoona nzira.

Musiyiwa anozotiwo zvaive zvakana ka kuti iye agorima makarotsi okupa pachena kuvatengi kuitira kuumba ukama navo kuti agogona kukwikwidza vamwe vatengesi.

(Enderero mberi svondo rinouya.)

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>