Bhuku idzva reScience and Technology

22 Sep, 2017 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Munyori weKwayedza —
KUTANGA gore rino, vana vepuraimari vave kudzidza chidzidzo cheScience and Technology.Ongororo yakaitwa yebhuku reVentures Primary Science and Technology Grade 3 inoratidza kuti ibhuku rakanyorwa uye rakapepetwa nehunyanzvi hwemandorokwati.

Bhuku iri rakanyorwa zvinonzwisisika zvokuti vadzidzi vanokwanisa kurishandisa vachiyatsorinzwisisa.

Rakanyorwa richitevedzera zvinangwa zvebumbiro idzva reScience and Technology.

Mutauro wakashandiswa wakareruka chose, rine mifananidzo inoyevedza uye yakakodzera pakubatsira vadzidzi kuti vanzwisise chidzidzo ichi.

Kubva parakabuda, bhuku iri rakatambirwa nevadzidzisi pamwe chete nevadzidzi nemufaro mukuru.

Vadzidzisi vazhinji vari kuti kunyangwe zvazvo chidzidzo ichi chiri kuunza matopiki matsva kuScience padanho repuraimari, manyorerwo ebhuku iri anoita kuti zvidzidzo zvitsva izvi zvinzwisisike.

Chikamu choga-choga chine mabasa akawanda anofanirwa kuitwa nevadzidzi anosanganisira maexperiments nemaprojects.

Izvi zvinoita kuti vadzidzi vanyanye kufarira chidzidzo cheScience. Bhuku iri rinokwanisa kupa vadzidzi ruzivo uye hunyanzvi hweScience uhwo hunokwanisa kusimudzira nyika yedu yeZimbabwe mubudiriro yemaindasitiri.

Bhuku iri rakanyorwa naVa- George Mujajati vanove munyori anozivikanwa zvikuru munyika muno.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>