Chirwere cheshuga

24 Nov, 2017 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza —
1. Peter Marimi anofarira kudetemba pamusoro pedingindira rezvirwere zviri kushungurudza vanhu mazuva ano. Tsigira pfungwa iyi nenhetembo dzake shanu dziri muna Mutakunanzva Wenhetembo. [25]

Nhetembo dzake dzine pfungwa iyi dzinosanganisa; Kupedza taifoidhi hutsanana, Yakati yamubata asima, Usarara nemarariya, Chirwere cheshuga hachitapiri uye Chakati chandibata chirwere chekorera.

Mudetembo rinonzi Kupedza taifoidhi hutsanana, nyanduri anotidzidzisa kuti taifoidhi chirwere chinobatira mushure mekunge tsvina ine hosha yetaifodhi yapinda muchikafu sepaanoti, “Taifoidhi inobatika kana tsvina yave netaifoidhi yasangana nezvokudya.” Nyanduri anotiyambira kuti kwasara svondo rimwe chete tisati tashanya kunzvimbo dzinowanikwa chirwere chetaifoidhi tinofanira kubaiwa majekiseni ekuzvichengetedza sepaanoti, “Vhiki usati waenda kune taifoidhi baiwa mushonga unodzivirira.”

Tikatarisa mudetembo rinonzi Yakati yamubata asima, nyanduri ari kushungurudzika nechirwere cheasima nekuti chinouraya vanhu vemazera ese, vanoshaya nevanowana sepaanoti, “Vakuru navadiki, vapfumi navarombo, asima inotukutidza.” Nyanduri anotidzidzisa kuti dzimwe nguva asima chirwere chinoita zvekutapuriranwa kubva pakuzvarwa sepaanoti, “Mviromviro dzeasima kazhinji chipiwa chatinopiwa navabereki vedu vananyakubereka.”

Rimwe detembo raPeter Marimi rinotaura pamusoro pezvirwere rinonzi Usarara nemarariya, umu anotidzidzisa kuti marariya chirwere chinokokwa neutunga hwechikadzi sepaanoti, “Marariya chirwere, chinokonzerwa noutunga hwechikadzi.” Nyanduri anoti chirwere chemarariya chinonyanya kuwanikwa munzvimbo dzinopisa sepaanoti, “Munzvimbo dzinopisa ndimo utunga hunowanzowanikwa.”

Mune rimwe detembo rake rinonzi Chirwere cheshuga hachitapiri, nyanduri anoti chirwere cheshuga kuwandisa kweshuga kana kudzikira kwayo mumuviri sepaanoti, “Chirwere cheshuga ishuga yawandisa kana kushomeka muropa.” Nyanduri anoti vanhu vazhinji vanonyanya kubatwa nechirwere cheshuga vanogara munyika dzakabudirira mune zveupfumi sepaanoti, “Chinobata mamiriyoni avanhu zvikuru kunyika dzakasimukira.”

Kubva muna Chakati chandibata chirwere chekorera, nyanduri anoti korera chirwere chemanyoka sepaanoti, “Ndakati ndatapurana nayo korera chino chirwere chamanyoka.” Nyanduri anoti chirwere chekorera chikasakasikirwa chinouraya sepaanoti, “Kuinonokera korera unorova pasi nenguva isipi.”

2. Sarudza nhetembo shanu dzaPeter Marimi dzine dingindira rerayiro kubva muna Mutakunanzva Wenhetembo. Zvino chitsanangura zvinhu zviri kurayirwa mudetembo rega rega rawasarudza. [25]

Ndasarudza nhetembo idzi; Tsveta mukombe unhonge bhuku, Vakadyiwa nechavaidya, Simbi inorohwa ichapisa, Gore randakagova nhaka yangu naIwe Gudzadungwe.

Mudetembo rakanzi Tsveta mukombe unhonge bhuku, nyanduri anorayira munin’ina wake kuti anyanye kuita zvechikoro asiyane nedoro nekuti harina zera naye sepaanoti, “Iwe dzidza nesimba usiire doro kuvakuru.” Nyanduri anorayira munin’ina wake kuti doro rinokanganisa mafungiro sepaanoti, “Mvura dzowoshapira idzi dzinokaka njere.”

Nyanduri anorayira munin’ina wake kuti achine mukana wakakura wekugadzirisa upenyu sepaanoti, “Nguva uchinayo yokugadzirira ramangwana.”

Mune rimwe detembo rinonzi Vakadyiwa nechavaidya, nyanduri anotirayira kuti tisaite zvechipfambi sepaanoti, “Iwe zingizi zivogonyera pamwe munyika, nokuti haazomboperi iwo maruva enyika.” Nyanduri anotirayira kuti tisiye ruchiva nekuti rwunoitwa nevanhu vasingagoni kuzvibata sepaanoti,

Zvamesomeso ndezvavaya vasingazvidzori. Iwe tsveta pasi gutsamhangwa dzaHandizvidzori.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>