CHISHONA CHAKANAKA

24 Jul, 2015 - 00:07 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

Zadzisa makashama nemazwi akakodzera pane ari pazasi:

Zuva richiti vhuu Shumba achiti pfacha paakanga asiya akaviga nyama yake. Akawana pakarara kagava kaitoridza zvako ngonono. Shumba akavira nehasha, achibva ati kagava kaye kwicho nemuhuro. Akabva ati, “Kutodya zvako nyama yangu, worega kutiza. Nhasi pako pakuperera.” Kagava kaye kakatanga kudedera kunge tsanga iri mumvura. Shumba akabva akati watsu zimbama rinodzura nenyama.

Kagava kaye kakabva kati mvorokosho muvhu.

Shumba akashama muromo waive nemazino anenge mapfumo kuti akarume. Asi kagava kaye kakabva kamwaya mavhu mukanwa maShumba, kachibva kati tsoka ndibereke.

* * *

ZVAKANYORWA NEVANA:

Musoro webhuku unoti “Ndiko Kusasana” unoenderana zvikadii nezviri mubhuku iri? Ndinonzi Pamela Takura, Form 4 paExcell College kuZengeza 2, Chitungwiza.

* * *

Ashley Jabedu ari muForm 4 paMbuyanehanda High School, kuMberengwa akabvunza kuti:

Mukuwasha wemukuwasha unomuti ani?

* * *

Jimmy Mandeya ari muUpper 6 paMavhudzi Secondary School, kuNyazura ndokuti::

Mukadzi akafirwa nemwana anonzi chii?

* * *

Zvikanzi naAshlaph wemuGrade 6 paChindotwe Primary School, kuBindura:

Imba inorara vakomana inonzi chii? (gota)

* * *

Pauline Shindie anodzidza paMuzokomba Government High School, kuBuhera akati:

Hedzinoi mhinduro:

makodo – mapfupa

mbambaira – mabura

makudo – mapfeni

ingwe – mbada

manyepo – nhema.

* * *

Gibson Tawanda wemuGrade 7 paMuparutsa Primary School, kuHonde Valley ndokubvunza kuti:

Mwana wetsuro anonzi chii? (nhowa kana kuti nhawa)

 

. Varairidzi uku ndiko kudya kwenyu. Pindurai mibvunzo yevana vanoda kuziva ava.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>