CHISHONA CHAKANAKA

31 Jul, 2015 - 00:07 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke.  Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.
* * *
ZVAKANYORWA NEVANA:
Ndinonzi Anesu T Mukandigomba, ndinodzidza Grade 7 paMuparutsa Primary School, kwaMutasa. Murume ane barika anonzi chii?
* * *
Lloyd Mutetepi ari muForm 5 paSidakeni High School anoti:
Musoro webhuku “Kunyarara Hakusi Kutaura” unoenderana zvakadini nebhuku iri?
* * *
Moisha Nokutenda Kudya wemuGrade 7 paMuparutsa Primary School, kwaMutasa ndokubvunza kuti:
Ndinoda kuzivawo kuti vabereki vakafirwa nevana vose vanonzi chii?
* * *
Calvin Gatsi anodzidza paRujeko High School, kuGlendale akati::
Ichokwadi here kuti bete rakadimurwa musoro rinorarama kwemwedzi rozofa?
* * *
Sheilah Simbi ari muForm 2 paGlen View 2 High, muHarare ndokuti:
Kana mwana wekutanga mumhuri achinzi dangwe, wekupedzisira achinzi gotwe ko wepakati anonzi chii?

. Hezvoka vadzidzisi, pindurai mibvunzo yevana iyi.
* * *
ZVEKUITA SVONDO RINO:
Tiudze midziyo inoshandiswa pamabasa aya:

1. Tinotswira mu…
2. Tinokamira mukaka mu…
3. Tinopepetera mu…
4. Tinodyira mu…
5. Tinonwa mvura ne…
6. Tinopakura sadza ne…
7. Tinotakurira muriwo mu…
8. Tinoisa mafuta mu…
9. Tinobereka mwana ne…
10. Tinokuya ne…
* * *
Mhinduro svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links