CHISHONA CHAKANAKA

04 Feb, 2016 - 21:02 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

Kusvinura / kusvinuka:

ChiShona chinonakidza nekushamisa nekuda kwemamwe mazwi anoshandiswa. Semuenzaniso, izwi kana kuti chiito chekuti svinura chinoreva kuvhura maziso, asi kana zvikazonzi kusvinuka, zvinenge zvave kureva munhu akangwarisa, asina hunhu, uye anomhanyira mberi achiita zvinokanganisa vamwe.

Tiri pazwi rimwe chete, tsanangura kuti zvinorevei kana munhu akanzi:

1. Akasvinura (Anenge asina kurara, kana kuti ari mupenyu chose.)

2. Musvinu (Anenge ari munhu kwaye ane hunhu hunofadza nekuyemurika.)

3. Akasvinuka (Anenge akangwarisa achishandisa manomano kukanganisa vamwe.)

4. Ane husvinu (Anenge ane hunyengeri.)

5. Asvinudza vanhu (Anenge aita kuti vanhu vachenjere nekuda kwekuita kwake kwemanomano.)

* * *

ZVAKABVA KUVANA:

Regina Rutsito anodzidza paKambuzuma 1 High School, muHarare anobvunza kuti:

Chii chinonzi chindori? (ichi chiitomwana chinoratidza kuti nyakutaurwa naye ari kuita zvisingatarisirwe)

* * *

Uyuwo asina kutaura zita rake ndokuti:

Ko mukadzi akazvara mwana ndokufirwa anonzi chii? – 0715 643 002. (maramwamhuru kana vari amai vafa, marambamabakukura kana ari mwana afa)

* * *

Noble Blessing Tazivazvino ari muGrade 6 paColumbas Primary School kuHauna, kuHonde Valley ndokuti:

Ndinokumbirawo kubatsirwa zvinorehwa nezvinotevera: kuramwira gotsi (kubva panzvimbo zvine chiramwa), kuita sedahwa (kukotsira), kuputsa/kudzura mapfihwa (kurambana), kuita chibondokoto (kugara wakapfunya chisero), kupiyanisa tsvimbo (kurwa kana kuti kukana), kuona mapete (kutya kune kakuvhunduka), kupa rine muto, kupasura masango (kunovhima, kurova masango) uye afamba apota (munhu afamba haazivikanwe kuti anodzoka here, anogona kusangana nezvimwe). — Yeuka kuti mutauro unoenderana nenzvimbo igere munhu.)

. Varairidzi nevamwewo vaverengi, batsirai vana nemibvunzo yavo iyi. — MUPEPETI.

* * *

ZVEKUITA SVONDO RINO:

Imba yekubikira:

Dzimba dzechinyakare dzaive nemidziyo yaiwanikwa madziri. Imba yekubikira yatave kuti kicheni yaive nemidziyo yakasiyana-siyana inoshandiswa imomo. Ita tsvakurudzo yekuti ndeipi midziyo nezvekushandisa zvaiwanikwa mumba yekubikira, wotaura nemabasa acho.

Semuenzaniso:

Mutariro – kamuti kakasimba kanoiswa pamusoro pechoto kanosungirirwa zvekudya kuti zviome kana kuti zviite mufushwa. Nyama nyoro yaisungirirwawo ipapa kuti iite chimukuyu. Mazuva ano mitariro yave yewaya.

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>