DAVID LIVINGSTONE YAKAKUNDA

24 Jul, 2015 - 00:07 0 Views
DAVID LIVINGSTONE YAKAKUNDA

Kwayedza

CHIKORO cheDavid Livingstone Junior School ndicho chakakunda zvimwe zvemupurovhinzi yeHarare mumakwikwi ekunyora rondedzero, eEsay Writing, ayo anotsigirwa nekambani yePostal and Telecommunications Regulatory Authority of Zimbabwe (Potraz).

Vana vepachikoro ichi vaviri vakaita nhamba 1 ne2 mumakwikwi aya ndokupihwa mibairo inosanganisira mari, mabhuku ekunyorera nemenduru.

Nhamba yechitatu yakatorwa neWidcombe Junior School.

Vachitaura pachiitiko ichi, mukuru weDavid Livingstone Junior School, VaNewton Ndhlela, vakati zvakakosha kuti dzidzo isimudzirwe munyika.

“Tine vana vaviri vakasimudza mureza wechikoro nepurovhinzi, vanova Clere Mutendadzamira naChengetai Sithole avo vari muGrade 7. Vana ava vakakunda vamwe vose mumakwikwi eNational Meseums and Monuments Quiz Competitions,” vakadaro VaNdhlela.

“Mumakore adarika, takange tichikwikwidza asi taikundwa nezvimwe zvikoro uye kubva gore ra2011 takaita nhamba 3, mun2012 tikatora nhamba 3 zvakare, 2013 tikasvika panhamba 2 kuchizouya gore ra2014 tikaita nhamba 1 ne2,” vakadaro VaNdhlela.

Makwikwi aya akaitwa pasi pedingindira rinoti, “Tell us about the world you want to grow in” apo vadzidzi vaitsanangura muraramiro wavanoshuwira muupenyu hwavo, vanodaro VaNdhlela.

Vanoti makwikwi aya anorodza njere dzevana nekuvabatsira mukudzidza kwavo.

Potraz director, VaKennedy Dewera, vakati kambani yavo iripo pakusimudzira dzidzo munyika, kunyanya kune vechidiki.

Vakaenderera mberi vachiti makwikwi aya ave kuenda pachidanho chenyika yose apo chikoro chichakunda chichawaniswa mibairo inosanganisira $1 200.

“Ndinoti makorokoto kune vakakaunda ndichikurudzira zvakare vana vechikoro kushanda nesimba. Kune avo vasina kuwana mibayiro nhasi mukana uripo kudzidza upenyu,” vakadaro VaDewera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>