DETEMBA TINZWE: Mudyanavana

17 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

naTafadzwanashe Thabhile
Aaaaa handisati ndambonzwa muimbi anoimba sewe,
Anoimba zvakanaka kudai,
Zvisina kana kudedera kwezwi,
Zvisina kana kushoshoma kwezwi.
Kunyangwe ukaswera uchiimba siku nesikati,
Izwi rako rinongoramba riri iro,
Handizivi kuti pahuro pako pakaita sei iwe?
Unongoimba hako usina basa kuti ndiyani
Arikuzvifarira kana kusazvifarira,
uye pane arikuteerera kana kusateerera.

Chokwadi kutaurirwa hunyimwa mbare dzokumusana
Mapfekero ako anondifadza chaizvo,
Mavara ako akanyatsosanganiswa zvakanaka,
Ungati munhu akapfeka svutu yake tema, ndokuisa
Sheti chena kana tsvuku, zvobva zvati bhaaa!!!
Musiki akanyatso sanganisa mavara ako zvinodadisa.
Aaaa unondishamisa wena,
Handisati ndamboona uine tsvika,
Unongogara uchipenya, kunyangwe vabva,
Mumunda kundotsvaka chikafu chemhuri.

Wakakomborerwa zvako mudikanwi,
Unodya chausina kukohwa,
Unodya pawadira uye nenguwa yavada.
Unogara paunoda, chero pasingasviki muvengi,
Urimo mudenga zvako,
Kana mamiriro ekunze ashanduka
Unongoenda kunogarika.

Chandinokudira ndechekuti
Hauna daka nemunhu, hauna shanje,
Hauna tsinye, hauzvitutumadze uye une
Mwoyo murefu.

Aaaa dai ndiri iwe ndaingobhururuka zvangu
Ndichienda nyika dzakasiyana siyana,
Pasina kukwira ndege, pasina kumbotsvaka
Kuti ndoiwana kupi mari yendega.
Ndaingobhururuka pandadira sezvaunoita.
Ndaingoenda kunamai vangu chero
Pandavafungira, ndaishanyira hama
Dzangu dzose dziri matirimana enyika.

Aiwa Maokomavi, ziendanomudenga
Munondiitira zvakana nguva dzose,
Apo ndinge ndisingafare, ndinonzwa kunyewenyuka
Ndinokudai mufunge.

Tafadzwanashe Thabhile ari muGrade 7A paZengeza 8 Primary School, kuChitungwiza.Murairidzi: Mr Gumunyu

Maonero
Zvimwe ndezvimwe, nhetembo yako yakanyorwa zvakanakisisa uye inoratidza kuti unonzwisisa pamwe chete nekugona kutsanangura nekurondedzera uchishandisa mutauro wenhetembo. Dambudziko rangu nenhetembo yako nderekuti watanga nhetembo yako zvichiratidza kuti une chinhu chauri kuyemura, asi nhetembo yako yasvika pakupera ndisiri kuziva kuti “Mudyanavana” ndiyani kana kuti chii?

Uye, kwekupedzisira kwenhetembo yako wazongotanga kunyora seuri kuita nhetembo yedzinza yekurumbidza pawanga woti:

“Aiwa Maokomavi, zienda nomudenga”

Mubvunzo wangu wave wekuti, nhetembo yako iri kutaura nezvei kana kuti pamusoro pei? Kufunga kwangu, unoita kunge uri kurumbidza shiri, asi sei shiri iyi uchiiti “Mudyanavana?” Shiri iyi ishiri rudzii? Ndinofunga kuti nhetembo yako yakarebesa zvekuti zvimwe zvinhu ungadai wazviburitsa nemashoko mashoma. Asi nekuda kwekuti wanga uchigona kuronda pfungwa dzako, dambudziko rekureba kwenhetembo yako harinyanyokanganisa.

Zvinhu zvandaona zvaunoda kuchenjerera ipatsanuro nebatanidzo yemanzwi. Semuenzaniso pawati:
Arikuzvifarira – ungadai wati “ari kuzvifarira”

Arikuteerera -“ari kuteerera”

Akanyatso sanganisa – ungadai wati “akanyatsosanganisa”
Zvimwewo zvandaona zvine chekuita nemutauro ndeizvi:

Svutu – sutu

Nhema kwete tema

Uine tsvika – uine tsvina

Asi pasina nyaya yetumhosvo utwu, uri nyanduri anogona kutamba nemashoko. Ramba wakashinga uchinyora.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>