Econet yotendwa neParamende

01 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
Econet yotendwa neParamende

Kwayedza

 

Econet iri kubatsira vadzidzi  kuburikidza nechirongwa chayo chinonzi Basic Education Suppport

Econet iri kubatsira vadzidzi kuburikidza nechirongwa chayo chinonzi Basic Education Suppport

KAMBANI yeEconet iri kurumbidzwa nekubatsira kwairi kuita mukusimudzira dzidzo munyika kuburikidza nekuyamura vana vanoshaya vanodarika 76 000 kubvira padanho repuraimari kusvika kuyunivhesiti nemari dzechikoro nezvimwe zvekushandisa mufundo.

Rumbidzo iyi yakaitwa nekomiti yedare reParamende inoona nezvemidziyo yekufambiswa kwemashoko, posvo nedzinhare nguva pfupi yadarika apo yaitura gwaro rayo mudare iri.

Komiti iyi inoti Econet iri kubatsira vadzidzi ava kuburikidza nechirongwa chayo chinonzi Basic Education Suppport icho chiri pasi pebandiko reHigherlife Foundation.

Vadzidzi vanodarika 23 000 kubva kupuraimari kusvika kuyunivhesiti vanonzi vakabatsirwa nemari dzefizi nekambani iyi gore rapera.

“Kubvira muna 2010, Econet inoti yabatsira vana vanodarika 76 000 vanoshaya pasi pechirongwa cheBasic Education Scholarship Programme,” inodaro komiti iyi.

Econet inonzi zvakare yakavamba nzvimbo dzinodarika 3 000 munyika yose idzo vechidiki vanokwanisa kuenda vachinodzidza kuburikidza nekushandisa dandemutande pamwe nekupangana mazano.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>