Fungisai Primary: Shasha pazvose

22 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
Fungisai Primary: Shasha pazvose

Kwayedza

Malven Mugadzikwa
CHIKORO cheFungisai Primary School, icho chiri kuChitungwiza, ishasha pamitambo yakaita sesoftball nekorfball izvo zviri kuona vana vepo vachipinda muzvikwata zvevechidiki zvenyika uye ndicho chekutanga kuita mitambo iyi mudunhu reHarare. Kunze kwemitambo, vana vepachikoro ichi vanotsvunha zvakare muzvidzidzo zvavo zvakasiyana.

Mukuru weFungisai Primary, VaJustice Chiherenga, vanoti vanodada nechikoro chavo nekugona kwachinoita mitambo nezvidzidzo zvakasiyana. “Fungisai Primary ndiyo iri kutungamirira muChitungwiza muno panyaya dzemitambo, kunyanya mitsva yatakatanga yesoftball, baseball nekorfball iyo yatakwapura mibairo yakawanda.

“Tine vana vedu vakawanda vari kumirira chikoro pamwe chete nenyika mumitambo yevechidiki yakasiyana. Milton Shumba ari kutambira chikwata chenyika chevechidiki checricket kuchitiwo Remember Makota ari kutarisira kuenda kuSouth Africa achitamba gorofu sezvo akasarudzwa neHarare Golf Club kunotamba achimirira nyika,” vanodaro.

Vanoti mitambo iyi inotangira kutambwa paGrade 3. “Pachikoro pedu tine mitambo 17 inoitwapo uye tiri shasha pane zvose. Tine vana vedu vakatamba gore rino mutambo wegorofu kuWarren Hills Golf Club vakadzoka nemenduru sere, ina dzegoridhe nedzimwe ina dzesirivha,” vanodaro VaChiherenga.

Pachikoro chavo, vanodaro, vana vanotamba nhabvu yevasikana uye vakahwinha mukombe mumutambo uyu gore rapera. VaChiherenga vanotiwo vana vepachikoro chavo ishasha muzvidzidzo.

“Kugona kwevana vedu muchikoro kunoita kuti tive panhamba 2 kana 3 mudistrict medu uye vana vedu vari kubuda zvakanaka pabvunzo dzavo dzeGrade 7. Gore rapera iri, takanga tiine vana 12 vaive nema4 units kuchitiwo 125 vaine mayunitsi ari pasi 10. Takatorawo chidanho chepiri pazvikoro zvine vana vakanyanya kubudirira mubvunzo idzi muChitungwiza,” anodaro mukuru wechikoro.

Vanoti vadzidzi vavo vari kubudirira zvikuru pachidzidzo cheShona kuburikidza nekuverenga bepanhau reKwayedza.

“Vana vedu vari kugona Shona zvakanyanya nekuti vari kuverenga Kwayedza. Kubva patakatanga kuita chirongwa chekuti vaverenge Kwayedza, kupasa kwavo Shona kwakasimukira kubva pa94% muna 2014 kuenda pa97% muna 2015. Tiri kushanda nesimba kuti Kwayedza ritange kupihwa vana kubva paGrade 3 zvichikwira,” vanodaro.

VaChiherenga vanoti pachikoro pavo pari kuitwawo zvidzidzo zvemabasa emawoko izvo zvinosanganisira kurima nekuchengeta huku. Vari kudzidzisa vana zvetsika nemagariro kuburikidza nekuva nezvivakwa zvechinyakare zvakaita seCulture House yavo.

Share This:

Sponsored Links