George anoendeswa kuchipatara kuKaroi

24 Oct, 2014 - 00:10 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 18 (Ongororo: Enderero mberi)
Apo George anotarisa kunyora kweshangu yaMakate anobva aona kuti kwainge kwakafanana nekunyorwa kwainge kwakaitwa painge patsikwa mubindu rake “senzeve” ndokubva ashaya kupokana nazvo (67) .
Vanhu vanenge vachigara pamusha womuridzi vanofanira kutya nekuremekedza miswe “semakonzo” (68). Vakaita kudai vanodzingwa kubva pamba apa sevanhu vasina nebasa rose kana kuti “sembwa” (68).

Pamba yepiri apo VaChaparadza vakaenda kunogara panoratidza kutsvinya kukuru chaiko.
VaChaparadza semunhu ainge asinganwi hwahwa vaionekwa sevasina kuchangamuka kana kuti vakapusa izvo muridzi wemba anovati haadi kugara nemunhu “anenge chitunha” (68).

Pamba pechitatu havana kubatwa sevanhu vakuru asi sevanhu vemangamanga izvo vanoti vakanyatsotaurirwa “sevana vechikoro” (68).

Pakuzvimanikidza kudya kwaiita George tinoona kuti murume uyu aitambudzika zvikuru nekuti apo aimedza, pahuro paimurwadza “sokunge paive nemaronda” (69).

Kudimikira kushoma chaiko sekushaikwa kwemazino mukanwa mehuku. Amai vaHazvinei vari kutambudzika zvikuru nezvichangobva kuitwa naHazvinei maererano nekunyora zvishomashoma kunoita shangu dzababamukuru Makate, mukadzi mukuru ndokuonekwa ava ku“batira mwoyo mumaoko” (67).

Tsamba yainge yanyorwa naVaChaparadza yainge ichitowedzera mamwe matambudziko pane akawanda ainge aripo izvo zvinodimikirwa zvichinzi “yainge yawedzera gumi pazana” (69) nomutsara wayo wokupedzisira waiti VaChaparadza vainge vane chivimbo chokuti George ainge achifara kumusha ikoko nehama dzake.

Tinobva taona nhambanwa yevatambi (dramatic irony) apo muverengi nemumwe kana vamwe vatambi vanenge vachiziva zviri kuitika, asi mumwe kana vamwe vasingazivi.

Isu naGeorge naamai vaHazvinei tiri kunyatsa kuziva kuti hakuna rufaro kumusha kwaGeorge nehama dzake izvo VaChaparadza vasingazive.

CHITSAUKO 19 (Nyaya yacho)
Usiku ihwohwo George haarari zvakanaka achingopinduka-pinduka kudzamara azotaurira mudzimai wake kuti musoro wake wainge uchitema nekudaro ngavamutse Musiyiwa vaende kukiriniki.
Mudzimai wake anofunga zvekutanga vazivisa babamukuru nababamudiki George ndokuti havana basa.
Munzira kuenda kunozivisa ava mudzimai ari kupishana mupfungwa achizvibvunza kuti baba vaHazvinei vanoda kumufurira.
Mudzimai anosvika pamba paMakate uko anosvikotaurirwa kuti ngavaendese George kuchipatara.
Paanosvika paKamukombe anosvikoona shasha ichirova magwiriri ndokudoedza kuimutsa kana kukurura shangu zvikashaya basa.
Aona kuti hapana kwazvaimusvitsa, anoenda kunomutsa Musiyiwa ndokumurondedzera zvavapo.
Mudzimai anomutsa nekuoneka vana vake neungwaru nechivimbo.
Vanosvika pakiriniki zuva rabuda mukoti wepo ndokuvapa mapiritsi ekunyaradza marwadzo ndokuvaudza kuti vapfuurire kuKaroi kuchipatara uko George anobva anzi agare muchipatara.
Mudzimai waGeorge anodzoka kuna Musiyiwa ndokumuudza kuti adzoke kumusha, ivo vava kusara nemurwere vachigara muChikangwe maigara mukoma wamai vaTichaona.
Vanokohomekedzesa Musiyiwa kuti panguva iyi kwaida kushinga agokwanisa kugara ari mberi kwevanhu vanogona kumuvhiringidza.
Vanoparadzana mudzimai ndokufamba akananga kuposvo achifunga kuita zvinhu nekukurumidza.

(Enderero mberi svondo rinouya.)

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>