GRADE 7: Budiriro yako iri mudzokorodzo

09 Oct, 2015 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
DZOKORORO ine simba guru chaizvo mukutsvaga kukunda pabvunzo. Dzokorodzo inopa mukana uya wekusangana netumwe twakasara pose patinoedza kubatsirana kubva gore richitanga. Nekuda kwekunaka nekusimba kwedzokorodzo, tichabata twose twose utwo twungaita kuti tigosekerera musi webvunzo.

Pari zvino tanangana nepepa rekutanga iro rinotakura mibvunzo makumi mana. Iri pepa rinogona kuuya rakapfava chose kana kuti rakaoma zvekusunga mangwiro.

Mukuita dzokorodzo kwedu ngatimbobata vana vemhuka dzatisinganyanyotaure nezvadzo nekuti dzimwe zhinji tava kudziziva. Tinoda kumbonyatsojekesa pamombe apa nekuti vazhinji tinongoziva kuti mwana wemombe anonzi mhuru.

Mwana vemombe anogona kupihwa mazita zvichienderana nemazera acho. Mwana vemombe achangoberekwa anonzi munava kana kuti nhedzama. Kana chava chimhuru charumurwa chinonzi chigondora.

Kune mhuka inonzi chikokoma kana kuti bikita. Kune dzimwe nzvimbo inodaidzwa kunzi hwiribidi. Mhuka iyi inobara mwana anonzi tsvana.
Mwana wembeva anonzi manditeya kana kuti uhwerere. Ipo panoberekerwa itwo twumanditeya panonzi pamatsari kana kuti pamabusa. Vazhinji ndivo vanoziva kuti pamashe.

Nguva yenjodzi ichinge yasvika mbeva dzinotiza nepahunde. Padzinofamba napo dzichivhima zvekudya panogara pakapfumba uye panonzi pamwenza.

Regai tibve tapedza nenyaya yembeva tichipa mazita adzo. Kune mhando dzakawanda chaizvo dzembeva. Kune mbeva inonzi danhazvuru inotambira muzvuru. Mbeva iyi hainyanyobatwa nekucherwa asi kuti nemariva kana kuti nezvikirimbani.
Dapi ndiro zimbeva guru rinogara mumatimbwa nemumatoro kana kuti mumabani.

Dapi rinogara paya pamadhaka uye rinogona kukura kuda kuenzana nechidharimbo (mwana wekatsi). Kunozowanikwa dzimwe mbeva dzinonzi dywangaranga nembende.
Idzi ndidzo mbeva dzinowanikwa paya vanhu vachikohwa kana vachangopedza kukohwa.

Kune nhuru iyo ine mitsetse mitema pamusana payo pozoti shana kanova kambeva kanozivikanwa nenyaya yekukora. Kunowanikwa zvakare inonzi nhika iyo inochera mwena wakadzika zvikuru.

Kune imwe mhando yembeva inogara mumuti umo inoita matendere. Mbeva iyi inonzi mhatsi uye yakachenuruka chaizvo. Kunewo pfundo nekafuramachira.

Vamwe vanhu vanogona kufunga kuti mbeva negonzo zvakafanana. Hazvisi chinhu chimwe chete, zvakatosiyana kunyanya mukatarisa miswe yacho. Makonzo anotori nemazita awo anoti mhache, mhunzamatura, tsenzi, nemhoni.

Gudo kana kuti diro tinongoziva richinzi mwana waro anonzi rushiye. Zvino magwaro anotidzidzisa kuti mwana wegudo anodaidzwa kuti shokorana kana kuti shokorupani. Vamwe vanoti svambara kana kuti rutwiyo. Chisamakei ndiye mwana wegudo ane gore rimwe. Kana mwana uyu arumurwa anonzi mujembwa.

Mwana wemhembwe tinonyanyoziva achinzi tsvana asi anogona kunzi hwishu kana kuti chimera. Webvungo kana kuti chidembo anongonzi mwana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>