GRADE 7: Tsumo dzakadzama

16 Apr, 2015 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
TSUMO inoti “Kari pako ikonje rinofunda neChirimo” inotidzidzisa kuti munhu ane twake ari panzvimbo pake kana pamusha pake anogona kuzvinunura kana akasvikirwa nedambudziko semunhu anenge ari pamusha pake. Izvi zvinobatirazve isu vana vechikoro kuti kana tichinge tiri pachedu, tiine magwaro edu akakwana uye negadziriro yedu yebasa yakanaka, hatifaniri kuzotya bvunzo nekuti tinenge tiine zvekushandisa kudzivirira kukundikana.

Ndatanga netsumo iyi nekuti chikamu chino tinoda kumborasikira kutsumo netsanagudzo dzacho. Ndaita izvi nekuti mushure mekunyora bvunzo dzekupera kwekotoro ino, tsvangurudzo dzakaburitsa kuti vana vaida kungoshandisa tsumo imwe chete murondedzero dzavo. Izvi zvakabva zvaratidza kuti mugodhi kana kuti dura revana retsumo hauna kudzama.

Vazhinji vaingoshandisa tsumo yekuti chitaurirwa mbare dzekumusana, nokudaro ndaona zvakakodzera kuti tizadze mugodhi netsumo dzakadzama kuti vagozochera kana nguva yakwana. Taramba mugodhi unopwa.

Zvinonzi nevakuru ndezvemo zvimbutu zvamaonde. Apa vanenge vachida kutaura kuti vanhu havafanirwi kuvhundutswa nemaitiro evanhu vanogara vakatsamwa kana vanogara vachipopota nekuti ndiwo magariro avo. Vanozizikanwa nemaitiro iwayo saka hazvifaniri kuvhundutsa vanhu.

Mukurarama kwedu tinowirwa nematambudziko akasiyana. Kana tasangana nematambudziko aya munhu anoita zvitsvene ndiye anowanzowanzirwa kana kupihwa basa rakaoma. Munhu iyeye anogona zvakare kunenedzerwa kana kupomerwa mhosva. Ndizvo zvinonzi navakuru, “Nyamunatsi ndiye nyamutsigwa nebonda.”

Vanhu vanodunhurirwa mazita nekuita kwavo. Kune vamwe vanhu vakateramira vakareruka, vane tsika nehusvinu hunozadza mukombe zvekuti tinoti munhu wakarurama uyu. Vanhu vakadai havatauri zvisina maturo. Vanoenderana netsumo inoti, “Chidende chinorema ndochine mhodzi.”

“Chikoma chinovirima kwacho” zvinoreva munhu wose anozvikokonyadza nekuzvirumbidza kana ari pamusha pake. Haangapete muswe nekuzviunganidza iye ari pamusha pake.

Vamwewo vanhu vanoita zvinhu zvavo nekuti vane simba kuvakunda. Vanopamba nekubira vanhu nekuti vanovakurira. Kuita uku ndiko kunoenderana netsumo inoti, “Chaita chikoo chapembedzera.”

“Chimene chamadima kupakurirwa nenzwara mugwaku uripo.” itsumo inoreva kuti munhu ane jambwa kana rushambwa anodadirwa nevanhu vose kunge iye asiri munhuwo.

Ichokwadi kuti chirema chine mazano. Chinotamba chakazendama nemadziro. Kana munhu akapinda mudambudziko anoedza nepaanogona kurinzvenga. Anotogara akateya kuti kutaura kwake nekuita kwake kusamudzorere kumatambudziko aya akambomupinza mutsavatsava.

“Kudya tadya hedu asi hurindo ndewedenga” itsumo inoyambira vanhu kuti kana vodya vafunge ramangwana. Vamwe vanhu vanoti vakawana chavawana voda kuzadza dumbu ravo vachikanganwa kuti mangwana vachada zvakare chekudya.

Pane nguva yekuti vanhu vanogona kuwana zvinhu zvitsva izvo vanenge vachishuvira muupenyu.

Vazowana zvitsva zviya vanenge vosema zvitsaru. Saka ukaona munhu osema chinhu chaambenge achidisa anenge awana chimwe chikuru chinodarika chaange anacho. Ndipo panonzi nevakuru, “Rabva ngedera denhe kupinda ganya.”

Share This:

Sponsored Links