Guru rakasangana nematumbu

07 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
Guru rakasangana nematumbu

Kwayedza

NYAYA yemaguru nematumbu emombe zvikasanganiswa nemuriwo wetsunga zvinoburitsa usavi hunofarirwa nevanhu vakawanda, ndokunge zvikabikwa zvemandorokwati.

Svondo rino, Sekuru Joseph Mashindi vekuWaterfalls, muHarare, vanotitsanangurira mabikirwo emaguru akasanganiswa nematumbu.

Zvinodiwa:

Nyama yeguru nematumbu emombe, mafuta, matomatisi, hanyanisi, munyu, chikari nemuriwo wetsunga.

Mabikiro:

Geza maguru nematumbu zvekusara achene.

Vamwe vanosarudza kumona maguru nematumbu kana kubika zvakadaro.

Fashaidza maguru pamwe nematumbu muchikari nemvura yakaringana.

Kana zvaibva, chiisa munyu, mafuta, hanyanisi nematomatisi pamwe chete.

Siya zvikwate kwemaminitsi angaite gumi.

Bika muriwo wako wetsunga parutivi wozosanganisa nemaguru ane matumbu aye.

Usaise godzamuto nekuti usavi uhu hunoumba godzamuto rahwo pachawo uye usarege zvichiibvisa kuita hurubvu-rubvu.

Wozodii?

Kana zvaibva kudai, chibura mudye.

Maguru nematumbu anodyiwa nesadza jena, rezviyo, remapfunde kana remhunga.

Chakanakira usavi hwemaguru nematumbu uye muriwo wetsunga ndechekuti mutengo wacho wakaderera.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>