IREZA MUCHIKORO . . . Mibairo 16 mumakore maviri

20 Nov, 2015 - 00:11 0 Views
IREZA MUCHIKORO . . . Mibairo 16 mumakore maviri Valentine Shoti akabata mamwe emagwaro emibairo 16 yaakahwinha mumakore maviri adarika

Kwayedza

MUSIKANA wechidiki wekuChitungwiza ari kuita zvinorova muchikoro pamwe chete nezvigadzirwa zvesainzi izvo zvaona achikumba mibairo inosvika 16 mukati memakore maviri adarika.

Valentine Shoti (18), uyo ari kuita Form 4 paZengeza 1 High, anoti kugona kwake kuri mukushingirira nezvechikoro pamwe chete nechido chaainacho muzvigadzirwa zvesainzi.

“Ndinofara chaizvo nemagwaro ose aya nekuti anoratidza nerimwe divi kuti ndinoziva zvandinoendera kuchikoro uye kuti ndinoterera zvandinodzidziswa nevarairidzi.

“Ndinotenda zvakare mukuru wechikoro chedu — VaJaiphas Runesu — avo vanondipa kurudziro yakaita kuti ndiwane mibairo nemagwaro zvekugona muchikoro nemumakwikwi ezvidzidzo zvesainzi, pamwe pacho ndichimiririra nyika,” anodaro Shoti.

Pamaibairo yaShoti, misere akaihwapura pachikoro, kusanganisira yezvidzidzo zvesainzi nekungokunda muzvimwe zvidzidzo.

Mimwe mishanu akaiwana kubva kubazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari pasi pechirongwa chezviratidzwa zvesainzi, cheScience Fair. Mimwezve mitatu akaitora kuburikidza nechirongwa cheYoung Scientist Exhibition apo akapinda mumakwikwi aya achimiririra nyika. Shoti anoti ari kutarisira kubuda zvakanaka pabvunzo dzake dzeO-Level idzo dzaari kunyora pari zvino kuitira kuti akwanise kuenderera mberi nedzidzo yake.

“Chinangwa changu chikuru ndechekuti ndipase pabvunzo dzandiri kunyora, kunyanya kuzvidzidzo zvesainzi. Ndiri kutarisira kupfuurira mberi nechikoro kuti ndizokwanisa kuita zvidzidzo zvepamusoro zvesainzi, kunyanya zvekugadzirwa kwemishonga (pharmacist).

“Ndine shuviro zvakare yekuti ndizokwanisawo kupinda nezvigadzirwa zvangu zvandakaita zvose munanamazvikokota (labs) uko kwandinoda kuti zviongororwe ndigozokwanisa kuzviisa pamisika mikuru zvichindiwanisa chouviri.

“Dambudziko guru randiinaro nderekuti ndinoda kuenderera mberi nechikoro asi handisati ndava kuziva kuti achandibatsira ndiyani sezvo ndaimbowana rubatsiro kuchirongwa cheBasic Education Assistance Module (Beam),” anodaro mwana uyu.

Vanoziva nezvemwana uyu vanoti anorarama upenyu hwekutambura sezvo achichengetwa naambuya vake avo vakwegura. Mimwe yemibairo yaShoti akaipihwa nemasangano anosanganisira Research Council of Zimbabwe neZimbabwe Science Fair.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>