Kamwana (5) kane njere dzeGrade 3…Akacharikiswa Grade 1 ne2

03 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
Kamwana (5) kane njere dzeGrade 3…Akacharikiswa Grade 1 ne2

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
KAKOMANA kekuEpworth, muHarare, kane makore mashanu ekuberekwa kari kushura mare nekugona muchikoro izvo zvaita kuti katenderwe nebazi redzidzo repuraimari nesekondari kuti kacharike kubva kuEarly Childhood Development (kireshi) kuenda Grade 3. Kazhinji kacho vana vane makore mashanu vanotarisirwa kunge vachiita zvidzidzo zveEarly Childhood Development kusvika vazotanga Grade 1 apo vanenge vave nemakore 7 ekuberekwa.

Tinotenda Manyemba — uyo akaberekwa nomusi wa4 Kurume 2012 — ari kudzidza paWiddecombe Primary School, kuHatfield, apo ava kuita Grade 2 mushure mekunge vabereki vake vaona zvakakodzera kuti ange achipinda gwaro iri zvisinei nekuti akange atenderwa nebazi rezvedzidzo kuti atangire paGrade 3.

Mukuru anoona nezvedzidzo mudunhu reHarare, VaChristopher Kateera vanotsinhira nezve mwana shasha uyu vachiti bazi ravo rakatendera kuti acharikiswe kubva Grade 1 kuenda muGrade 3.

“Mwana uyu, akaonekwa kuti anogona zvikuru mushure mekuvhenekwa kwake kumahofisi edunhu reHarare. Zvimwe zvezvaakapasa zvinosanganisira kuverenga, zviperengo nezvimwe izvo zvakaita kuti aendeswe muGrade 3,” vanodaro.

Muhurukuro neKwayedza, baba vaTinotenda — VaMoses Manyemba — vanoti chipo chine mwana wavo ndechekuzvarwa nacho.

“Isuwo sevabereki tinobatsira zvikuru vana vedu nekuvatengera mabhuku ekuverenga pamwe nebasa rekuchikoro ravanopihwa kuti vaitire kudzimba (home work). Murairidzi anoita pake, isu vabereki tichibatsirawo tiri kumba kuti dzidzo yemwana ireruke,” vanodaro.

Vanoti vamwe vanhu vari kushamisika nekuda kwemwana wavo zvichitevera kusvetukiswa kwaakaitwa mamwe magwaro.

“Mwana wangu haana kusiyana nevamwe vana, tinomuwanisa nguva yekutamba neyekurara yakakwana. Kunyangwe kahanzvadzi kake – Mwazvita ako kane makore maviri nechidimbu ako kari kuita kireshi – kari kugona zvinotoshamisa. Anoverenga nekunyora zvinova zvisingaenderani nezera rake. Anotoita kunge ari Grade 1,” vanodaro.

Vanoti Tinotenda akatoramba kuendeswa muGrade 1 sezvo akachema nekuti aigona zvose saka ivo vakazosarudza kuti aende Grade 2 kuitira kuti abate sirabhasi izvo zvinozomubatsira kuti azoenda muGrade 3.

“Mwana wedu aidzidza kuMudzi uko ndaishandira semurairidzi saka patakazouya kuno ndichienda kunoshanda kubazi rinoona nezvekuchengetedzwa kwenharaunda ndakaona kuti mwana anenge ave kupinda pachikoro chitsva nokudaro anoda kutanga adzidza nezvepo zvose nekuonawo varairidza vatsva,” vanodaro.

Tinotenda, uyo anonyora neruwoko rweruboshwe, akaverengera vatori venhau veKwayedza kubvira panhamba yekutanga kusvika pazana pasina kukakama.

“Kana ndichinge ndakura ndinoda kuzoita mutyairi wendege uye panguva yekutandara ndinofarira kuona makatuni paterevhizheni,” anodaro Tinotenda.

Anoenderera mberi achiti: “Ndinofarira kudzidza, handityE kudzidzira mukirasi mune vanhu vakakura kundidarika zvisinei nekuti vanenge vachinditarisa vachiti ndiri mudiki kwavari.”

Amai vaTinotenda, Mai Precious Nhema (26), vanoti vanopa kutenda kumurume wavo uyo wavanoti akazvipira kubatsira vana vavo nemwoyo wose munyaya dzedzidzo.

“Murume wangu anoti kana abva kubasa anenge akaisa zvidzidzo zvose mukombiyuta otanga kufundisa vana manheru uye anotenga zvakare mabhuku anodiwa nenguva,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naambuya vaTatenda, Mai Magaret Manyemba (51), vachiti baba vevazukuru vavo vakakura vachigona zvikuru muchikoro zvisinei nekuti vaikundikana kuvawanira zvaidiwa mushure mekushaikirwa nemurume wavo.

“Ndinoona kuti chipo chiri muvazukuru vangu chakabva kunababa vavo, vaigona zvikuru zvekuti paForm 4 ne6 vakapasa zvose vakazoita zvidzidzo zvemakombiyuta vakapasa zvakare,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>