‘Koshesai zvidzidzo zvemitambo netsika’

21 Nov, 2014 - 00:11 0 Views
‘Koshesai zvidzidzo zvemitambo netsika’

Kwayedza

Daphne Machiri
ZVIKORO zviri kukurudzirwa kukoshesa zvidzidzo zvemitambo netsika kubvira kupuraimari kusvika kusekondari sezvazvinongoita kune zvimwe zvidzidzo. Kurudziro iyi yakaitwa nasachigaro weNational Association of Primary Heads kudunhu reMbare/Hatifield, Mai Benita Bera, pamakwikwi emitambo netsika edunhu iri ayo akaitirwa paChitsere Primary School nguva pfupi yadarika.

“Zvakakosha kuti vana vadzidze zvemitambo netsika kubva pazera reEarly Childhood kusvika kusekondari,” vakadaro Mai Bera.
“Mitambo yakaita semadhirama, kuridza ngoma pamwe neyechinyakare inofanirwa kuitwa muzvikoro sezvimwe zvidzidzo.”

Vakaenderera mberi nekutenda sangano revakuru vezvikoro nekutsvaga nyanzvi dzinodzidzisa vana pamusoro petsika nemagariro.
“Makwikwi emitambo netsika akangofanana nebvunzo dzemazamanishoni dzekunyora nekuverenga naizvozvo ngatisimudzirei mitambo netsika kubva kupuraimari.

Zvakare zvinopa vana vane matarenda mikana yekuti vange vachisimuka izvo zvinogona kuzobatsira muraramo yavo mune remangwana,” vakadaro. Vachitaurawo pachiitiko ichi, District Education Officer vanoona nezveArts and Culture mudunhu reMbare/Hatfield, Mai Spiwe Jiri, vakatsinhira kuti mitambo yetsika nemagariro zvinofanira kukosheswa muzvikoro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>