Kudetemba rayiro

12 Jan, 2018 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi  Gunduza
Liveson Tatira anofarira dingindira rerayiro mukudetemba kwake. Tsigira pfungwa iyi nenhetembo dzake shanu dziri muna Mutakunanzva Wenhetembo. [25]

Nhetembo dzacho dzinosanganisa; Bhiipii, Ngatipei nzvimbo rwaamai, Ngatikudzanei pamabasa, Ngatichengetedzei sango naGomarara.

Mudetembo Ngatipei nzvimbo rwaamai, nyanduri anotirayira kuti tikashandisa mutauro wedu tinobudirirawo semamwe marudzi sepaanoti, “Nerwaamai tingabudirira sedzimwe nyika dzinoshandisa rwaamai.” Nyanduri anotirayira kuti tikashandisawo rurimi rwedu zvinoreruka kuti tibate zvinhu sepaanoti, “Kubudirira kwavo kushandisa mutauro wavo nekuti hazvivanetsi kubata zvavanodzidza.”

Kubva muna Ngatikudzanei pamabasa, nyanduri anotirayira kuti munzvimbo dzekushandira hamusi mekurwira kana kutyisidzirana sepaanoti, “Pabasa hapasiri patsiva, patsiva panopenyeranwa.”

Nyanduri anotirayira kuti vashandi vese vekambani vanoibatsira kuti ibudirire sepaanoti, “Mumwe nemumwe anokosha paari, kuti basa rienderere mberi.”

Mudetembo retatu rinonzi Gomarara, nyanduri anotirayira kuti chirwere chegomarara chikakurumidzirwa, hachinetsi kuparadza sepaanoti, “Nyanzvi dzinoti gomarara rikakasikirwa rinorapika nyore.” Nyanduri anotirayira kuti chirwere chegomarara chikanonoka kurapwa chinouraya munhu sepaanoti, “Kana vanachiremba vozoti makanonoka, changosara chete kukuchemai.”

Mune rimwe detembo rake rinonzi Ngatichengetedzei sango, nyanduri anotirayira kuti tirege kuparadza masango sepaanoti, “Zvekungotema-tema miti izvo ngazvichiregerwa.” Nyanduri anotirayira kuti hatifaniri kuparadza makomo sepaanoti, “Kurima nekuvakira mumakomo sembira izvo kwete.”

Mudetembo rekupedzisira rinonzi Bhiipii, anotirayira kuti musoro ukanyanya kurwadzira pedyo nemaziso tinofanira kunovhenekwa chirwere chebhiipii neveutano sepaanoti, “Ukanzwa musoro uchigarotemera mumaziso, wadii kunoongororwa bhiipii?” Nyanduri anotirayira kuti chirwere chebhiipii chinobata vanhu vese zvisinei nekuti uri mutano here kana kuti kwete sepaanoti, “Vehama, bhiipii haina ndinorwara kana ndakasimba.”

  1. Kubva muna Mutakunanzva Wenhetembo, sarudza nhetembo mbiri dzine dingindira rimwe chete asi dzakanyorwa navananyanduri vakasiyana uburitse fanano nesiyano yadzo wakanangana nezvinotevera: (i) zvadzinoreva (ii) mashandisirwo emutauro. [25]

(Mashandisirwo emutauro ndizvo zvidavado).

Nhetembo dzacho ndeidzi; Gomarara naLiveson Tatira uye Imotai? naPrimrose Nyangoni.  Fanano yenhetembo mbiri idzi inobva padingindira reurwere nekuti dziri kutaura pamusoro pechirwere chegomarara.

Nhetembo idzi dzine fanano yekuti dzese dzinoburitsa kuti chirwere chegomarara chinotanga sebundu diki sepanonzi muna Gomarara, “Ukaona kavara, kapundu, mbundurira . . .” Muna Imotai?, nyanduri anoti, “Ndakatarisa ndikati amainini kanongova zvako kapundu.”

Fanano yepiri ndeyekuti vananyanduri vanorayira vanhukadzi kuti ngavagare vachiongororwa nhengo dzemiviri yavo neveutano sepanonzi muna Gomarara, “Vechidzimai endai munovhenekwa mazamu nezvibereko.” Muna Imotai?, nyanduri anoti, “Vanamai garai muchiongororwa mazamu nezvibereko.”

Imwe fanano inobuda pakuti vananyanduri vari kutirayira tese kuti pamiviri yedu pakaita chinhu chatisina kuona zvakanaka ngatiendei kunoona veutano nekukasika sepanonzi muna Gomarara, “Ukaona . . . zvausinganzwisisi mhanya kuna chiremba.” Muna Imotai?, nyanduri anoti, “. . . wangoona chimwe cheizvizvi chimhanyira kuchipatara!”

Musiyano unowanikwa munhetembo idzi ndewekuti muna Imotai?, nyanduri haataure nezvevana vadiki asi muna Gomarara, nyanduri anoti chirwere chegomarara chave kubata munhu wese kusanganisa vana vadiki sepaanoti, “Nhasi uno gomarara harichina zera, robata pwere nendumure.”

Pamashandisirwo emutauro panobuda fanano yekuti vananyanduri vanoshandisa chidavado chechikuwo sepanonzi muna Gomarara, “Vane ukama nekufamba vachipugura chiutsi siyai katsika aka!” Muna Imotai?, nyanduri anoti, “Wangoona chimwe cheizvizvi chimhanyira kuchipatara!”

Imwe fanano ndeyekuti vananyanduri ava vanoshandisa chidavado chehwevazwi. Muna Gomarara, nyanduri anoti, “Gwara harina mbonje vanhuwe-e!” Ukuwo muna Imotai?, nyanduri anoti, “Ndakadzidza chidzidzo vanhuwe-e!”

Munhetembo mbiri idzi munobuda siyano yekuti muna Gomarara, nyanduri haana kushandisa chidavado chefananidzo asi muna Imotai?, nyanduri uyu akachishandisa paanoti, “Kuchipatara takazoenda rapararira nokudzika midzi setsangadzi.”

Siyano inowanikwa munhetembo idzi ndeyekuti muna Imotai?, hamuna chidavado chemubvunzonhando asi muna Gomarara, nyanduri anochishandisa paanoti, “Zvino yeiri gomarara inobvepi?”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>