Kuongorora zvidavado

21 Apr, 2017 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza —

SVONDO rino tinofambira mberi nekuongorora zvidavado zvinoshandiswa nemunyori waMavanga Orudo.

Zitaumbiridzwa:

Mudhara Harare p.26

Ehe! Ndinodaro nokuti iwe kana uchindiona kudai unoti ndiri mutambirazvose homwe yerombe . . . p.105

Imhitsa munhu iyeye, mutakuranjanji chaiye p.115

Tinosvitsana chete kwamvurayachekamakumbo p.122

Dimikira:

Hapana chinombondiwana napamusana pokuti handina mesomeso sezvinoita vamwe vanhukadzi p.13

Handioni chamunodyira magaka mambishi apa p.42

Izvi zvakandikanga mate mukanwa ndokumbobiwa nehope kwechinguvana p.24

Zvino nhasi waigochera pautsi p.44

Mibvunzonhando:

Dai Beaula asina kufamba nemotokari yake nhasi chii chaizoitika? p.21

Asi unoda kumedza zvese nebhodhoro racho? p.26

Ko, ndaigomuiteiwo zvangu? p.71

Sei ndichiramba ndiine pfungwa dzakadai? p.80

Ko, nyika yaizoti chii nazvo? p.135

Nhevedzano yemibvunzonhando:

Ko, sei ndadikitira zvakadai? I-i, asi chii nhai? Kunwa here ikoko? Ko, ndiani akauya neni muno mumba? p.36

Ko, ndaigoregera nei kubatira ura mumaoko ini ndaiziva mhedzisiro yemhosva yandainenedzerwa sokutaurwa kwazvaiitwa? Vangani vasingazivi kuti ukaponda munhu unotongerwa rufu? Ko, ndiani pasi pano asingazezi kufa? Ko, zvino kwakanga kwauyeiko kuzodanwa mangwanani akadaro? p.137

Chivakashure chinotsanangura:

Tinos kachauya izvozvi kagokuudza ano magaramwoyo chaiwo p.27

Kanyaya kapi zvekare, mupfanha? p. 29

Kakasairira zvigaro kumativi ose ndokuzevezera munzeve dzaDC. p.29

Chaizoita kuti ataridzike kuva mudiki, kamuviri kake kaiva kakatsonga sembambaira iri muhunza p.83

Chidhorobha:

Uchiri kuyeuka zviya achiti haasati amboluma kana kamwe chete zvako? p.28

Chikuwo:

Zvino hakuchina kwauchaenda usina kundibhadhara mari yokundiparadzira nguva yangu kwawaita! p.35

Ndinoda mari yangu chete! p.35

Zimunhu repi risingaitewo zvinofarira mumwe! p.113

Ndeyokwenyu iyo vakomana! p.170

Kutyisidzira/kuvhundutsira:

Kwete! Chapwati haana zvaanoziva. Ziva kuti nyaya iyoyi inogona kuipa ukaita zvokuseka. Ndiudze zvaunoziva pavanhu vakapinda mumba mangu . . . p.42

Unoda here kuti ndidaidze mapurisa izvozvi? Pindura! p.45

Musazochema neni mava kuritaira zvekare mumugwagwa mava kutsvaka basa . . . p.52

Ndatumwa kuti ndiongorore zvinoitwa navakomana ava, zvino mukasataura, um-m, ndinoona muchizogara mujeri kwenguva yakareba p.161

Gudziramukanwa:

Honai, mari yatinopiwa inopera munhu usati waitambira p.44

Mbama iyi yakaita ruzha rukuru semheni yarova muti. Chidziro chemba chakadavirawo ndokuwedzera ruzha p.62.

Kwaiva kusiri kumhanya ikoko, asi kubhururuka chaiko p.63

Rima raiva kunze raive rakati ndo-o kusviba richiita sokunge richandimedza ndikafira mukati maro p.108.

Aibvunda zvokurovanisa mazino p.160

Zuva rakaramba kupinda muna amai varo musi uyu p.167

Mhesano yepfungwa:

A-e, munongozivawo mukoma kuti mazuva ano mbudzi inofura payakasungirirwa.

Ndikasadaro hapana changu. .

Share This:

Sponsored Links